Mazwi anopikisana

Ticha Danga
MUCHIKAMU chino tinoda kutarisana nemazwi anoreva zvakapikisana neatinenge tapihwa. Kashoma kuti bvunzo rigoshaya chirongwa kana kuti mibvunzo yakadai. Izwi rekuti kasika kana kuti kasira rinoreva kuti kurumidza kana kuti chimbidza. Mazwi ose iwaya anopikisana nezwi rinoti nonoka.

Nyn’ura izwi rinotaura kuenda pasi mumvura. Iri izwi rinopesana nezwi rinoti dzumbunuka, yangarika kana kuti yangarara.
Panoda kurwa vanhu, vanhu kwavo, vanoedza kurandutsira kana kudzivirira asi vamwe vanodira mavhu mudenga vachikusvidzira. Nokudaro, izwi rinopikisana narandutsira ndikusvisvidzira.

Izwi rinopikisana naenda ndidzoka kana kuti petuka. Amba kana tanga rinoreva zvakapesana napedza. Kuburuka ndiko kudzika kana kujitika. Mazwi ose aya anopesana nezwi rinoti kwira.

Kana munhu aita chinhu chakanaka isu tinomurumbidza kana kuzuwidza. Kana topikisa kurumbidza nakuzvuwidza toti shoropodza, svora kana mhura.

Rereka kana tsveyama mazwi anopesana neanoti tasanuka, twasanuka kana rungama. Kana munhu achinge atadza tinogona kuraira kana kutuka. Kana achinge agona tinofanirwa kutunha, kusvavidza kana kujaidza kuti arambe achigona.

Panoitika chinhu chakaipa vamwe vanhu vanogona kusada kutaura nyaya dzacho. Tinoti vavanza kana kusvisa. Vamwewo ndiwo vanoda chaitika chitaurwe nokudaro vanodura kana kufoonora. Saka kuvanza kana kusvisa kunopesana nakudura kana kufoonora.

Kune vamwe vanhu vasina kudzikama kana kutsiga pamaitiro avo. Vanongoita zvisina nematuro. Vanhu ivava tinoti vakazhangarika kana vakazhangandira, vanopaparika zvakare vakafumuka zvikuru. Kufundumwara nekutsamwa ndizvo zvimwe chete. Izwi ringapikisana neaya ndifara.

Kana munhu akarara tinoti avata, arara, arinda kana kuti aenzera. Zvino kana asina kuvata toti amuka.
Zvinhu zvinonaka tinoti zvinotapira kana kuzipa asi kana zvisinganaki tinoti zvinoipa, zvinovava, zvino shosha kana kushata. Munhu akatsamwa tinoti akasuruvara. Kana asina kutsamwa toti akadekara.

Mazwi anoti panguka, pasuka kana tsauka anopesana nasangana, kumbana kana ungana.
Munhu akapusa anopesana nemunhu akangwara uyo watinoti akapangama, akachenjera kana kuti akasvinuka. Munhu ane simba tinoti akagwinya asi asina kugwinya tinoti akarenda.

Kutsutsumwa kunopesana nakugutsikana. Tunhumara rinopesanawo nadzikira kana derera. Kukunhumuka ndiko kukwashamuka. Aya mazwi anopesana natungira.

Kuoma nekugozha zvakafanana. Aya mazwi anopesana nanyorova, pfava kana reruka. Kuparadza kana kupambadza kunopesana neunganidza nekuchengetedza.

Related Posts

Vana vaviri vatsakatika vari pamba

Kingstone Mapupu MUNYAYA inosuwisa zvakanyanya, kune mhuri mbiri — yekwaMutare neyekuMasvingo — dzakashaya vana vaviri vose vane makore matatu okuberekwa avo parizvino vari mushishi yekutsvagwa nemapurisa pamwe chete nevabereki vavo.…

Zimbabwe yosimbaradza kuenzaniswa kwemikana munyaya dzedzidzo

Muchaneta Chimuka HURUMENDE, kuburikidza nebazi redzidzo yepurayimari nesekondari, yakaparura chirongwa chiri maringe neongororo yakaitwa muzvikoro yakatarisana nenyaya dzekusimbaradza kuenzaniswa kwemikana pakati pevadzidzi vechisikana nevechikomana uye kutsigirwa kwevakaremara muzvikoro. Vachiparura chirongwa…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×