a-Level yakapaswa: Zimsec

Abigail Mawonde
ZVAKANYORWA mubvunzo dzeZimbabwe School Examinations Council (Zimsec) dzeA-Level mumwedzi waChikumi gore rino zvakabuda uye vana vakatotanga kutora zvavakabura kuzvikoro zviri kumativi ose enyika.

Professor Eddie Mwenje, avo vanova sachigaro weZimsec, vanoti vakanyora bvunzo idzi vakapasa zvinodakadza kana zvichienzaniswa nevegore radarika.

“Vakanyora bvunzo idzi vakapasa nechikamu che76,59 percent uye huwandu hwevakanyora bvunzo idzi hwaive 8 577 kana zvichienzaniswa ne4 668 avo vakanyora mumwedzi mumwe chete uyu gore rapera. Kureva kuti pane kuwedzera kwehuwandu hwevadzidzi nechikamu che83,74 percent,” vanodaro.

Vanoti huwandu hwevana vakabuda neGrade E kana zviri nani huri pa6 569 zvichipa chikamu chekupasa che76,59 percent.

“Huwandu hwevadzidzi vakanyora zvidzidzo zviviri kana kudarika huri pa4 894, zvichireva kuti hune chikamu che57 percent kubva pane hwevadzidzi vakanyoresa vanosvika 8 577 apo gore rapera hwaive pa2 130 nechikamu che42,52 percent,” vanodaro Prof Mwenje.

Vanoti vazhinji vevakanyora chidzidzo chimwe chete apo mumwe chete bedzi akanyora zvidzidzo zvishanu.

“Vana vechikoro vakanyoresa kuti vange vachinyora zvidzidzo zviviri kana kudarika vaive 1 473 uye 1 077 vakawana Grade E muzvidzidzo zviviri kana kudarika zvinopa chikamu che73,12 percent apowo vadzidzi vakanyora vakazvimiririra (private candidates) avo vakanyora zvidzidzo zviviri kana kupfuura vaive 3 421 ne1 605 vakabuda neGrade E muzvidzidzo zviviri kana kudarika zvichipa chikamu che46,92 percent,” vanodaro Prof Mwenje.

Vanoti vadzidzi vakanyoresa kunyora bvunzo vakazvimiririra vainge vakawanda kupinda avo vanofunda muzvikoro.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *