N’anga nemaporofita bhasopo’

Kingstone Mapupu
MUKURU wesangano rinomirira vanoita zvechivanhu reZinatha, VaGeorge Kandiyero, vanoyambira n’anga nemaporofita kuti vasiyane nekufurira vanhu vanotsvaga rubatsiro rwakasiyana kwavari kuti vashandise mishonga yakaipa, zvikuru yekuchekeresa.

Mashoko avo anotevera nyaya dzine chitsama dzemitumbi yevana iri kufukunurwa kumakuva yochekwa nhengo dzemuviri nevamwe vari kungoshakwa asi mitumbi yavo yozoonekwa yakatanhaurwa mimwe mitezo.

Pane fungidziro huru yekuti vari kuita izvi vanhu vanenge vachida kuchekeresa munyaya dzine chekuita nemishonga izvo vanenge vaudzwa nen’anga kana maporofita.

“Kana kuine n’anga nemaporofita vanofurira vanhu kudeura ropa, ngavasiyane netsika iyi. Tiri kuona kufukunurwa kwemakuva evana, zvitunha zvichidamburwa uyewo vamwe vana vachingofa zvisina tsarukano.

“N’anga nemaporofita itai basa renyu rekuraramisa vanhu kwete kufurira vanhu kudeura ropa nekushandisa mishonga yakaipa,” vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti, “Ipfungwa dzakare dzekuti ukachekeresa, bhizinesi rako rinobudirira. Basa rinofamba nekushanda zvine simba. Tinoshanda zvakanaka zvikuru nemapurisa saka tinoti machiremba akangotsaudzira ngavasungwe vosangana nemhosva dzavo.”

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *