A-LEVEL…Zvinokonzeresa Chimurenga

Munyaradzi Gunduza
ZVINHU zvinoita kuti vanhu vatema vaende kuhondo nevachena.

Kufoiriswa muzvidzidzo – zuva rekutanga Kuda ari kuyunivhesiti mudzidzisi wake aive mubhunu anosvika achitaura mashoko ekuti vanhu vese vechitema vaizokundikana muzvidzidzo zvaaidzidzisa nekuti vakanga vakurira munzvimbo dzisina zvivhitivhiti, mawairesi uye vaisave varidzi verurimi rweChiRungu. Izvi zvinogumbura Peter naKuda nekuti vakabva vaziva kuti vainge vatofoira zuva ravatanga chikoro iroro nekuda kweganda dema.

Kurambidzwa kupinda mumahotera emutawundi – Kuda anoudza Peter vari kuMbare kuti vanhu vatema vairambidzwa kupinda mumahotera aive muguta. Vanhu vatema ndivo vaishandira munzvimbo idzi asi vaisabvumidzwa kudyira kana kunwiramo zvachose. Izvi zvinorwadza vanhu vatema nekuti vaibatwa zvakaipa neVaRungu kupinda zvavaiita imbwa dzavo.

Kushaiswa kodzero dzekutaura zvavanoda – Kuda naPeter pavanenge vari kuMbare vachinwa doro tinonzwa vachitsiurana kuti vasarambe vachitaura nyaya dzehudzvanyiriri hwemabhunu vachiti kwaive nemainformer ayo aibata vese vaitaura zvisirizvo maererano nehurumende yevachena.

Rusaruraganda – Peter naKuda vanoenda kuCommon Room kuyunivhesiti ndokuona vatema nevachena vairwisana nekuda kwenhau dzainge dzataurwa muterevhizheni. Mutevedzeri wemuchengeti weCarr-Saunders paanonzwa zhowezhowe anosvika achishevedza vakomana vatatu vechitema ndokuvadzinga muhoro iyi achiti vanotsvaga kumwe kwekugara. Vachena hapana zvavanoitwa. Izvi zvinoratidza kuti vachena vaikosheswa kupinda vatema.

Pakufamba nezvitima vanhu vatema vainzi vapinde mufourth class munove maizivikanwa nekuti mumbombera uku vachena vainge vari mune zvimwe zvikamu zvepamusoro umo vainge vakagara zvakasununguka.

Vachena vaisabvunzwa zvitupa pakufamba kwavo kwese kunze kwevanhu vatema. Izvi zvimwe zvezvikonzero zvakatuma vatema kunorwisa mabhunu.

Vanhu vatema vainzi vagare mumisha yaigara ruzhinji yaive netsvina isingaite yakaita seMbare neHighfields asi vachena vachigara munzvimbo dzakanaka.

Kubvunzwa zvitupa pese pese – tinoona kuti Kuda paanenge achienda kumusha kwavo kuChipinge ari muchitima munopinda mapurisa nemasoja achibvunza vanhu zvitupa. Kuda paanenge achibva kuMozambique nechikwata chaaitungamirira ave kuBocha tinoona achifamba nechitupa kuti apinde mupovho maigara vazhinji nekuti zvaisatenderwa kuti munhu afambe asina chitupa. Kuda anopinda mupovho aine chitupa panguva yaanosvika kuBuhera kuti vadyidzane nepovho.

 

Tinopedzisa zvimwe zvikonzero zvinoita kuti vatema vaende kuhondo svondo rinouya.

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *