Kurwisa Kwayedza: Nyaya yakora muto

Muchaneta Chimuka
KUTONGWA kwenyaya yekurohwa kwemutori wemufananidzo weKwayedza, Tertia Mukurumidze (24), apo aive pabasa kwaSeke kuri kuenderera mberi mudare reChitungwiza Magistrates Courts.

Mutongi wedare iri, Tracy Muzondo, nemusi weMuvhuro uno akapfuudza nyaya iri mberi ndokuti ichadzoka mudare zvakare nemusi wa24 Kukadzi.

Kutongwa kwenyaya iyi kwakapfuudzwa mberi nechikonzero chekuti gweta revamhan’ari harina kuuya kudare.

Pakatanga kupinda nyaya iyi mudare iri, yakanga iine vasungwa vatatu avo vaipomerwa mhosva yekurova mumhan’ari.

Mukurumidze anonzi akarohwa nevamwe vagari vemubhuku raMagodi, kwaSeke, apo aive pabasa aine mutori wenhau weKwayedza Kingstone Mapupu nemutyairi Charles Nyakudya.

Vasungwa ava ndiSabhuku Samson Magodi (46) vekwaSabhuku Magodi, Rita Tanyaradzwa Ruzvidzo (35) naJairos Magodhi (38) uyo akaregedzwa nedare nguva pfupi yadarika mushure mekunge vafakazi vari munyaya iyi vamuchenura.

Muchuchisi Koropi anoudza dare kuti nemusi wa11 Gunyana gore rapera munguva dzemasikati, Makurumidze anonzi akanga ari pabasa achibva atora mifananidzo yaSabhuku Magodi naRuzvidzo.

Sabhuku Magodi anonzi akazokonzera mhirizhonga apo akakurudzira vanhu vaivepo kuti varove Makurumidze.

Makurumidze anonzi akarohwa kakawanda, kudzipwa nekubviswa wigi yaiva mumusoro make achinzi aifanira kudzima mifananidzo yaainge atora.

Magwaro ekwachiremba anoratidza hudzamhu hwekukuvara kwaMakurumidze ari mudare iri seumboo.

Vasungwa ava vari kutongwa nemhosva yekurova (Assault as Defined in Section 89 (1) (a) of the Criminal Law Codification and Reform Act Chapter 9:23.

Vose vari kuramba mhosva iyi.

Vari kumiririrwa negweta ravo reMutetwa Law Chambers.

Sabhuku Chamunorwa Seve (74) vemunzvimbo iyi, Mapupu naNyakudya ndivo vari kupa huchapupu munyaya iyi.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×