The following is President Mugabe’s address at the burial of national heroes Cdes Moudy Muzenda and George Rutanhire at the National Heroes Acre in Harare yesterday.
Tanzwa hurukuro nenhorowondo dzatapihwa nevakamirira mhuri; mhuri yekwaMai Muzenda nemhuri yekwaGeorge Rutanhire, Peter Clever.
Patafamba, tichiri kuHarare kuti tivawoneke nekuwona zviso zvavo; ndichibva kune vamwe, ndichizopedzisa kune vamwe, ndanzwa ndichizunzwa mumoyo. Mundangariro mangu ndati, ko Mwari?
Chiiko chavari kuoona chatiri kutadza? Kubva vatipa mutoro wakadai pazuva ranhasi? Chiiko? Tiri kukanganisa here magariro edu?
Ko idzi inyanzvika; idzi dzatiri kuviga nhasi? Tine nhorowondo yekurwira rusunguko, kusimudzira vanhu vedu munyika kuti vatore nyika yavo yamakatipa imi, Baba, kuti izova yedu ichibva mumaoko evatorwa vakanga vaibvuta.
Takagona isu kuti tizadizse chirongwa chenyu; zvekuti ava nevava vane pavo pavanosungirwa kugara; nyika yavo yakatarwa.
Vanosungirwa kuita zvose zvekubatsirana, zvose zvekusimudzira vanhu vavo kuti vave nemagariro akanaka.
Pachido chenyu, Baba, hatifunge kuti takatadza. Nyika yamakatipa, Baba, yakange yaakutorwa nevavengi.
Takazvisimbaridza.Sevava vatinavo, nhasi, vatiri kuzofushira, takasadharara. Vazhinji vamwe takavasiya mumasango nekuzvipira kwavakange vaita. Vamwe tikauya navo, vamwe — hongu — vakaita zvirwere tikavaradzika pano. Magamba emberi.
Nhasi uno zvimwechetezvo.
George Rutanhire mwana; Mai Moudy Muzenda ndiamai. Mai nemwana pamwechete apa.
Ko, mainge makatadza here kupatsanura mazuva acho pane kuti vose tizenge pazuva ranhasi tichivabatanidza?
Ndakati asi mupfungwa dzedu, hatikanganwe basa ravakaita. Ini hupenyu hwangu, shamwari dzemberi dzezera rangu dzandaive nadzo kuhondo dzinoti vaVengesai Muzenda ivavo; ndovandaishanda navo zvikuru-kuru.
Tafirwa navaTakawira, mumwe wedu uyu akazoda kupoya — Sithole.
Ndaive neruzivo rwakadzama pane zvemhuri yenyu; nemiwo maive neruzivo rwakadzama nezvemhuri yangu; pachizvarwa. Naizvozvo, muchashanda muri muMvuma.
Taiziva mashandiro enyu muchitipawo nhorowondo yekuti maive muri kuBulawayo muchiita carpentry muchikoro. Taizviziva zvose izvi.
Ahh, ndaive neruzivo rwekuti ini ndichadzidzisa kuEmphandeni kuPlumtree. Makauya ikoko muchiti muri kutsvaga basa rokuteacher.
Mukapihwa basa iroro nekuchikoro kwamakanzi munodzidzisa outside Emphandeni Mission, asi maive neimwe pfungwa makangoti shande-shande kwegore. Maita kamari, ahh, takazongonzwa kuti VaMuzenda havasisipo!
Kovaindepi? Taive naTazvishaya mumwe shamwari yedu zvakare. Taive naye zvakare kwaKutama kuMission uko, achifunda. KoVaMuzenda vakaenda kupi? Vakaenda kuJohannesburg. Ah, pfocho! Kana kuonedza? Zvikanzi haa, vanoenda kuJohannesburg havaoneki here?
Ndomaendero akangotaurwawo nevaiziva mafambiro ekunosvika ikoko. Tozonzwa kuti aihwa, vakaenda kuMarian Hill vakanodzidza carpentry ikoko.
Vakanga vamboita carpentry kare kuno kumusha. Hoo? Ah, zvakanaka. Ndopavakazodzoka zvino voshanda vari kuBulawayo. Mutambo wedu wavamba uyu, vakadana vaive nedzidzo yakati kuti.
Kwakanga kusina magraduate akawanda; ndofunga kwakanga kuine one or two chete munyika yose.
Asi vakanga vambodzidza zvakati kwazvo kwazvo vakanga vamboendawo kuSouth Africa savanaMuzenda naNkomo ndovakavamba kuchichirira nezvemusangano wematongerwo enyika. Ndokusanganawo kwatakaita navo.
KuMvuma; ko, naVaMaramba naMakanda tichizouya. Vakanga vakabatana pahutatu hwavo. Ipapa, taisimba navo zvikuru-kuru. Hongu, vamwe savanaMakanda vaive vakuru vaive mustruggle; naVaMaramba akange asina kudzamisa pfungwa yake yestruggle kuti ipfuure pakupa support chete, asi support vaipa.
Ainga asinga jamuke. Hezvo kwoitwa National Democratic Party; tiri tose!
Tichinzi ndine mudzimai wangu. Musazosiyawo Mai Moudy Muzenda. Kozoti, aihwa, tino operator tiriGweru, saka ndokwatiri kutungamirira musangano.
Paye pasipo, zvikanzi, aihwa, vakomana vari kuGweru vari kunditanda vachiti aihwa endai kwenyu kuMasvingo. Ndikati vapi?
Zvikanzi ivo ava anaEmmerson; ndovari kuti kuno ndekwedu endai kwenyu. Zvino ndakabva ikoko ndaakuuyawo kwangu.
Ndopavakavamba kushanda vachibva kuMasvingo. Ndokuchiorganiser Masvingo iye naHungwe.
Taiti Masvingo mukusupporter struggle, yaive upon-upon, Number One munyika. Takanga tisina vanogeda-geda semazuva ano aya. Haisiriyo tradition yeMasvingo yatiri kuona iyi. Zvava zvimwewo izvi.
Kunonzi ikoko vanoona varoyi. Hameno kuti varoyi vacho vanoonekwa varipi. Ndaive naVaHungwe musi uno, ndichibvunza kuti, nhai VaHungwe, ko hamugadziridze izvi zvatiri kuona izvi?
Kwakungonzi vanhu vose, even up to the President, muroyi. Ah ah ah!
Kwatabva kwese uku? Kovangani vandauraya? Zvinobva kuMidlands here zvichienda kuMasvingo? Hatina zvevaroyi muparty. Tine vanotsaudzira gwara, hongu, asi varoyi kwete.
Saka, kana muine huroyi or hun’anga hwekuona varoyi, ah, hazvimo muparty izvozvo. Saka, tinoti down with your witchcraft! Kwatabva tanga tisina izvozvo.
Zvino VaMuzenda — tirimujeri — (takazoenda mujeri tese tikagara mujeri tese muHarare munomu).
Pakafa VaTakawira, taive muHarare, zvikati suwisa zvikuru. Asi, VaMuzenda vagara vachida kunzwa kuti vana vakadii kunze? Vari kuenda kuzvikoro here? Vane hupenyu hwakanaka here? Yaive nyaya huru kwavari iyoyo; yemhuri, vachiti aihwa, ndina Mai vavo — Moudy Muzenda —vatiri kuviga nhasi ava.
Tinovatruster nekuchengeta vana vachibatsira kuti vana vawana zvikoro varege kukura vari marombe.
VaTakawira vaenda kwasara, VaSithole vachiti tungamirira . . . ini ndaive Secretary-General weparty yedu.
KuWha Wha patinonge taburitswa mujeri, tainge tisingapinde mumusha. Tainzi aihwa, vabva muprison, maakuenda kudetention.
KuWha Wha tiriko tiri tose. KuSikombela tiri tose. Back muprison kuHarare, Smith afunga nezveUDI yake. Zvikanzi n’an’a ndodzidii?
Taingova about six vachitya kuti vakadeclayer UDI tichiri kuSikombela — nekuti kwaive nerestriction tichigaratiri mufence. Kwainge kuine park yereserve yavainge vatora kwakufencer, muchizvibikira imomo. Kuine fence chete.
Saka, zvidhakwa zvedu — ana Mark Dube (laughing) — zvaipoya zvichienda kuruzevha. Asi, taivatuma tichiti yah, endai munotitengera mbudzi. Vouya nembudzi dzedu todyawo nyama . Ndarangarira VaTakawira vasati vafa, tezvara kwavari . . . vakapihwa mari navatezvara. Zvakanzi endai munotitengerawo mbudzi.
Ndokubva aenda. Mbudzi iye ichauya here? Iri kupi? Ko, mbudzi iri kupi? Zvikanzi yakapinda njodzi. Ko, mbudzi inopinda munjodzi yaita sei? (chuckling). Yakadyiwa munzira vanhu vakadhakwa. Zvainzi tigoche tidye nyama (laughing). Ndozvezvimwe zvaiitika.
Ko hautaure here kuti takadya mbudzi pane kuti mbudzi yakainda munjodzi? Hahahahaha. Saka, takanga takabatana zvikuru-kuru. VaTakawira ndataura kuti vakazotisiya.
VaMuzenda . . . yasvika zvino nyaya yatakanzi haaa, kwane matalks kuLusaka . . . KuLusaka kwakazobuda chisungano chiye chaiti Zanu, Zapu,Frolizi neANC yaVaMuzorewa. Isu takaramba tiri Zanu. Zvichinzi ndo zvino . . . taakuitwa recognise ANC under Muzorewa, yakuitwa recognise kuOAU. Tikati vakomana, ngatiitei tamba wakachengera! Todzoka kumusha, VaChitepo vaiva nesu vafa nebomb; hezvoka!
Nyika yese yakachema zvikuru-kuru, isu tikabva taita rwendo tanzi chiendai munoedza kundoona kuti basa raiitwa naVaChitepo rinoramba richienderera mberi here. Asi ANC yaMuzorewa kwete.
Munoona kuti muchazo shandisei.
Ivo VaMuzenda vakazoenda vakamirira Zanu kuLusaka. Ndokwavakaiswa, naJohn Nkomo, vakamirira Zapu vari kuLusaka ikoko. Saka, isu tiri kuMozambique, taiita macontacts navo.
Tabuda toona VaMuzenda vatituturu kuuya kuzotiona. Zvikanzi aihwa, rambai makadaro. Tiri tose. Nyaya dzakazotwasanuka patakanzi toenda kuGeneva. Tikati isu hatiendi avo vakasungwa vasati vasunungurwa. Ndevedu veku Zanu; ana Tongogara nevamwe. Tibatsirei kuti vasunungurwe imi VaSamora naVaNyerere.
Zvikanzi haa, tichataura naVaKaunda. Tikati kana vasina kusunungurwa, hatiendi kuGeneva. VaKaunda vakataurwa navo iniwo ndikataura navo, vakati haa, vasina mhosva; vasina kupomerwa mhosva, tinovasunungura. Asi, kunevaviri vakapomerwa mhosva vari kutongwa.
Tongogara nemumwewo ndakanganwa zita rake. Asi zvakazoitika ndezvekuti vaye vavakuburitsa vakange vari madetainees. Court yakazoonawo kuti . . . VaTongogara vakangobuda zuva rimwechetero. Tikati now taakuenda kuGeneva takakwana.
Ndopakatsauka now kuti veZanu vachibvavatsauka kubva kunaMuzorewa. OAU, tikati haa, ndezvayo izvo.
Isu ndisu vene venyika. Ndogwara ratirikutora iri. We are Zanu, and we will ask veZapu kuti vabude kuti vave veZapu futi.
Zvino VaNkomo vakange vakati havagone kuzviita vachi kunze kwenyika, saka havagone kuzviita. Asi, vakabudawo. So, takabva tadeclare party mbiri idzi; kuti zvabva muchishuwo chaMuzorewa ichi. Ndopazvakabva zvanzi naNyerere chiformai unity. Ndopakabva Patriotic Front ipapo.
Takazoendako tava Patriotic Front.
Kozvino, kumamisha uko, tinaanani? Tine madzimai edu. VaMuzenda, ko, vana vasvika papi? Vaenda kuchikoro here?
Zvikanzi ehe, Tsitsi atova teacher, mistress. She lectures kutraining school here. Ndikati, ko, bhururu wangu wandainzwanana naye ndiTendai; she had done Latin.
Ndikati yaa, tinonzwanana nekuti waenda kunoita Latin kuuniversity; fine, saka fine.
Even tiri kujeri, we used to contact, ndootsamba dzamanzwa dzichitaurwa paye naTendai.
I have not been following her kuti ndinzwe kuti akazozvika kupi; if she got married; how is the family? I am sure she must be here – Tendai Muzenda.
Saka taiziva.
Ukuwo zvikanzi neumwe mukomana wangu anoda kubhururuka nendege saka akaenda kuEthiopia kunofundira izvozvo.
Tikati fine. Ndiyo progress yatinoda iyi.
Zvese izvi ndiri kukuudzai kwete kuti tishungurudze VaMuzenda, aiwa.
Zvese izvi VaMuzenda vaikwanisa kuita nesu, vaizvikwanisa nekuti kumusha, kumba, Mai Maud Muzenda vakanga vakachengeta zvikuru-kuru; vachiona kuti vana vese vakadzidza; vana vese varikushanda here zvakanaka. Vagere zvakanaka here?
I had never seen him shaken to the heart as he was. Mabhunu pavauya kuzobomber paChimoio. We lost hundreds ipapo. It was after the bombing yekuNyadzonya, and VaMuzenda oooh, he became really shaken. It was (the first time) I had seen him so shaken because mwana, Theresa, had died in that incident.
Zvikanzi uyu mwana haana kunge aenda ega. Akaenda neshamwari. Saka, both of them are gone. Saka Mai varikuchema, ini ndiri kuchema!
Ndiri chemesesa pamusana pekuti Theresa ndiye akanga ati kune shamwari handei tese. Nemwana wavaridzi-wo ashaya, saka ndirikuchemesesa. Kwakanga kwangova kuyedza kubetserena, kusimbaradzana tichiti no, ndozvinoitika muhondo. Tinofirwa nemutowo yakasiyana-siyana. Vaenda Mai, vemhuri nhasi. Tsitsi was at the end. Paange agere, tisati tauya kuno kuHarare, ndati kuna Tsitsi tine urombo Tsitsi. Haana kuzvinzwa, maybe.
Ndati ndiwe wava Mai vemhuri. You are now the mother of the family. Mazuva ose aya, ndanga ndichibvunza — ndikafamba — and it so happened that Vengesai Muzenda ndiye the son who is pilot. Tanga tichifamba tese naye mazuva ano aya. Ndanga ndichibvunza kuti Mai vakadii? Mai vakadii?
He would say vari kurwara; vanyanyisa kurwara, zvikuru. The other day, VaBonyongwe vakauya vachiti vabva kunoona Mai Muzenda. Vakati vari kurwara. Zvikanzi ndasangana kune mupriest akanga ariko.
Zvino anga achivazodza mafuta. Ndikati do not do that. Now, the Christian Catholic way ndeye kuti kana munhu arwarisisa, anozodzwa anonzi mafuta emhedziso kuti ucheneswe.
They call it the sacrament; iroro rekupedzisira. Kune masacraments akati kuti kuCatholic like baptism, communion and so on. They call them sacraments.
Iri ndosacrament rekupedzisira. They call it “chizorwa chemhedziso”.
Zvino VaBonyongwe vanga vachifunga kuti ndezven’anga (laughs). Ndikati aiwa, kwete kwete. Regai kuvarambidza.
Zvino vainge vapihwa zvavo chizorwa chavo ichi, and we hope God has put her to rest.
Ehe, while we knew that she was that sick, we did not expect that she was now completely at the end of her life. But we are human beings, and even when one is that sick, irretrievably sick, we still maintain some hope that some stroke, from God, will just come and liven the individual and give him or her a few more days.
This was not to be. God thought it was now time for her to have some rest, rest indeed.
Well, VaMuzenda vandanga ndichitaura nezvavo ndivo vakatungamira. Vakanga vavaVice-President. Ndivo vakatungamira. Ndivo vakakusiyai panyaya yekuhupenyu, Mai Moudy Muzenda.
Vakambokusiyai pastruggle futi mukachengeta vana. Ndokubva vazokusiyai chose parufu. Mai ndivo vakanga vava, this time, a widow, not the first time.
She was not a widow then because vakanga vangosiiwa nemurume aenda kuhondo. But she was now the widow.
And as a widow, yes, with children —some of them who had distinguished themselves by getting degrees — but still children and these had their own children. So, she had grandsons and daughters to take care off. What was she to do?
I remember VaMuzenda vachiti — vaakugara kwaMupandawana — zvichinzi huyai muzoona. Ndovakatanga mvandazoteverawo ini. Zvikanzi huyai muzoona butchery randakaita pano. Ndikawona.
Zvikanzi ndopanobva mukaka pano. Tinokama mukaka.
Vakanga vachiti ndinodawo kudzidzisa vanhu kuti vaite tuma dairies. Vanhu vakaita sedairy yandinayo pano, asi vanodzoka voti VaMuzenda vari kungozviitira ivo.
Ivo vaiti kwete, chiratidzo chete chandinacho pano. So, kazhinji tinavo kuoffice kana vachienda kwaGutu, vaiyenda kwaMupandawana ikoko.
Hameno Amai vayenda kuti muchachengetedza here zvaivavarirwa naBaba kuti vaite; vana vasara.
Mai vaikupai mazano havasisipo.
You have got to depend, principally, on your own judgments. Kubatana; be united. Isu pano nekuchema kwatiri kuita, tiri kuti vayenda, hongu, asi vayenda vachisiya imi.
Don’t get disunited. Tirikutiwo kana muchida pfungwa dzekukubatanidzai pamunenge matukana, ah, kune vakuru vakawanda.
Tinavo kuparty vachiripo, kana kuprovince ikoko. Tichinavo vakati dzamatsama varikumaforces edu. Inzvimbo dzinobva rubatsiro idzodzi dzese. Ndosaka muchiona tiripano tiri tese.
Tine maforces edu; we combine all of us in mourning Mai vakayenda. Ndinovimba kuti isu kumusangano we be encouraged by our assemblage here today and by the words that came from the son of the family.
Mbuya Muzenda, I understand, said in her speech when she went to the family house, talked about the role of women, the need for women to be recognised.
That is a subject we have; that is why we have the Ministry of Women’s Affairs and indeed the organ yedu yekuparty which the First Lady leads, yemadzimai.
But the younger ones should look at the example of Mbuya Muzenda; kusiyiwa nemurume achiyenda kustruggle vosara vachichengeta vana, vachiona kuti mwana nemwana, vese varikuiteyi?
Varikufamba nenzira here yakatarwa naBaba vavo? Vasikana vasati vachata nevakachata zvinoitika izvozvo.
Handifunge kuti kuchaita imwe hondo, Chimurenga chinopfuura chatakaita ichi chenyika, kutora ivhu ranga ratorwa neVarungu vachiti this is Rhodesia, rava ravo, vadzika midzi yatakadzupura.
Ndinofunga, kana nanhasi wese, vazhinji vachiri kushama kuti, Ahh, chokwadi makatorera mabhunu angaadzika midzi kudaro? Kuita mazipurazi kwese kwese?
Makazviita sei? Shamwari dzedu kuSouth Africa varikuti asi takakanganisa pastruggle yedu. Ndakabvunza mumwe minister kuti, ko, how come kuti the whites have been left with so much power?
Zvikanzi, It was because of your friend Mandela. Mumwe ANC minister ari kudaro. Zvikanzi, Your friend Mandela ndiye akaita mamistake because akaita insist kuti ndino negotiator ndiri ndega ini.
Imi garai ukoko. I will go alone to the negotiations. Ahh? Uri serious?
Yes, you might have been a lawyer, but haungazviite izvozvo and in fact, nyaya yesupport inenge ichidiwa uchiona vanokutsigirawo.
Ko inga isu tanga taitawo law yacho, asi takayenda nedelegation tikati varikumusha vanga vaita people’s movement, which was supporting us, tumiraiwo kuLancaster vatinogara navo.
Tichiti tikabva kuhurukuro, togara musangano navowo vese; tovaudzawo kuti tasvika pane zvakati nezvakati, zvatabvumirana ndezvizvi; zvatisina kuwirirana ndezvizvi. Imi mune pfungwa dzipi?
That’s how we negotiated at Lancaster House.
We had lawyers with us, although the leaders were Cde Nkomo and myself. We had the discussions, but when we agreed on a position, that is the position we stood by at our own discussions. Ndoprinciple zvadzinoreva. Yedu nyika – because maBritish vanga vasingafunge kuti tingatore nyika matorere atakaita, vane mabrakes avanga voedza kuisa.
Ah, tinongokupayi mari shoma-shoma yecompensation. Nyangwe veAmerica vanga vati towedzera. Kuti ah, we won’t go the length we have gone. Patasvika ipapo hatisati tapedzisa mufunge. Tirikuti apa semunhu arikusakura mumunda, kwatasakura kwese uku, kupedza wotarira shure woona kwamera sora futi.
Mabhunu arikuuya opfekenyedzera nerweseri using all kinds of tactics.
Tokurimirayi imi; garayi henyu Harare. Tokurimirayi tozogovana kana tazokohwa.
Ah, ndakasiya matractor angu pano. Handichatora. Unogona kumashandisa hako, asi wondipawo zvakati. Kana usingagone regera ndokushandisira ini.
Ndozvirikuitika zvakawanda. Ndomasora andati arikumerera iwayo. So, let’s stop that and be true to the struggle.
Mai Moudy vakasiiwa the first time, second time after VaMuzenda died; then she became a widow then she had a real challenge without her husband.
Unfortunately, the poor lady ndopavazovambawo kurwara. But even when she was sick, vaitatarika newheelchair vachiiuya kumeeting; ndichiti komunodarirei?
Zvikanzi, ahh, ndati handingarovhe. Ndikati, Ahh, yah, apa pane munhu ane pfungwa dzakadzama. That’s the mother you had: A mother full of love for her children; a mother committed to working with others in the associations she found herself.
And this was now in the party.
We want the party to prosper, learn from your father; learn from your mother. Tesewo ngatifundewo zvinhu zvatinosungirwa kuti tiite, zvinangwa zvatinofanira kuramba tichiteerera, netsika dzemusangano dzatisingade kuti dzife.
Saka, ndinoda kutenda kuti mauya pano. Tinoda kuti titi kuna Mai Muzenda mofamba zvakanaka. Nzira yamafamba nayo inzira yedu tose. Rwendo rumwechete. Magumo mamwechete. Zvanzi tiri huruva. Kuhuruva ndokwatinodzoka.
Ndozvinotaura Bible izvozvo. Saka tinozvitenda. VekwaMwari, tirambe tichinamata ikoko. Ven’anga, ahh, hameno ikoko. Ndinoti pasi nemi! Pasi nemi!
Jaya redu, you looked at his face mucoffin and you ask yourself: Are you really gone, George? Are you gone; why?
Now, tanzwa nhorowondo yake.
We got to know him quite early; a very dedicated man. We used to call him Youngman. Not much talk, but abundant action, full of real good thought. Very principled, very respectful.
Humble; very friendly in a manner that surprised me. You never had him talk ill of anyone else. When he spoke muCentral Committee or Politburo, it was just a few words on principles. So, we did not hesitate to appoint him to the various posts in Government and in the party, which he held.
Mazuva iwayo, ana St Albert vakaita mbiri dzekuti vana vechikoro varikubuda ikoko — the missionaries cannot prevent it — ndivo vanaGeorge Rutanhire vaishanda nerweseri.
Kana maguvheya nevamwe maforces vakamboita campaign yekuinvader maschools iwaya. They had the kind of discipline and the kind of silence muzvikoro imomo.
And fortunately, taivawo nevamwe mafundisi, mamissionaries, who actually were furthering our process of getting more and more students and encouraging us to go on.
We were worried and still are worried about lack of ideological knowledge kuvanhu vedu.
Munonzwa ava vanotaura zvehuroyi sekuti munhu akarwara anonzi aroyiwa. It’s lack of ideology. Vanhu vangaende havo kun’anga; it’s different, but rega kushandisa your own belief in witchcraft and want to accuse vanhu vasina mhosva. Hurwere hurwere. Tese tinorwara, moti vamwe — kana vari maleaders kana vakarwara — zvonzi aroyiwa.
When did this start? It’s not part of our culture at all! You might find it somewhere in a primitive society, but even nowadays, vanhu havachambofunga nezvehuroyi nemahospitals avako, neruzivo rwavapo rwekuti certain diseases can attack us.
That is why we say please, please go to hospitals and doctors for constant check-up. The bodies are not ours. Manzwa zvichinzi it’s dust that we are carrying, and if anything is developing, they will tell you.
The other day, my young Minister of Mines, Walter Chidhakwa, came to me, saying handichanzwa zvakanaka. Ndikati, but why? You look healthy. Muviri wangu; ndinenge ndakuita rima. Ndikati, ok, go get checked up.
So, he was telling me last week that zvandakaona kusystem vaitora ropa roenda kucontainer rogaiwa kuti munemafuta akawanda sei. Mafuta oenda divi iri; hanzi ndakaona chitsapo chemafuta akadai. Chabva muropa.
Ndikati ndo fat inonamatira mutsinga iyoyo, tsinga dzotadzisa nzira yekupusher ropa to the heart.
So, the heart struggles to push, and when the veins are open, the heart can do its job easily.
Zvikanzi handichadyi nyama yakawanda ine mafuta ini. Ndaifarira nyama yenguruve. Ndikati ichawana vamwe vanoidyawo.
So, tiri muage of development; age yetechnology iri pamusoro-soro, abundant doctors.
Yes, you may pay some money, but even if you go monthly, or six monthly or annually, just to be checked up.
Vanokuisa musystem; kuzvambaradza, kuona mapfupa. Are they strong enough? Ma organs ako. . .
You need to be doing that, and you will certainly lengthen your life that way.
Rutanhire akapfurwa. The bullet in his left leg; he was advised not to try and have it removed. I wonder why.
Kana doctor akaona kuti you will suffer much more or he might not last longer, if an operation of that nature was done, it depends on where the bullet was embedded. But he struggled on.
You could see he was not that very well. But still, he was coming to meetings, all our meeting ekuPolitburo. To add to that, we still wanted him to head the Chitepo School of Ideology yatanga tichiti tichamutsiridza. Kuti pfungwa dzevadiki vedu vazive kuti hondo yakarwirwei.
Many of our kids oh no, vanoenda kuzvimaparty zvavo izvi nevasikana. We want to redirect our youth. They should know.
Isu hatina kumbofundiswa zvakawanda; kungonzwa chete kuti nyika iyi nevakuru tichiteeresa.
Pamatare paya, kuti aah, tavatose pakauya vainzi vana Sirewo, vana ani vachiti tirikuda kuvhima, zvino takazongonzwa kuti aah, vaakutotora nyika. Ndiye Selous ainzi Sirewo uyu.
Kana vamwe vana vakatopihwa zita rekunzi Sirewo. Mmm, ana Sirewo zvino, aah.
Taakunzwa aah, taakubviswa munzvimbo. Endai kunogara kwakati. Imi endai apa; pavakutorwa neVarungu hanzi timbopa takanyeterawo.
In Matabeleland, it was the same: Lobengula achiti makandicheata; kundinyoresa chipaper, kundisainisa chiX ndisingazive X wacho arikurevei. So, they waged the struggle. Isu takangoita follow wo-o, tichiiti ho-o, these are foreign people nekuti at one time, we were made to believe that aah, iyi yava nyika yeVarungu, but zvakamutsa pfungwa dzedu izvozvo.
Nekuzofunda kwatakaitawo takaita, tichizoonawo kuti haa, no, Britain was a coloniser in other places and was taking lands everywhere.
So, you become ideologised, wozova revolutionised kana wajoiner. Mazviona. Wajoiner struggle, and there is not much of the fighting struggle now to be concerned about, kuti haa, ndinozoendeswa kuhondo and you would become a soldier, you would become also a police man, joining intelligence and security.
Vakomana vekuzvikoro, kuva inheritors of the legacy, taavakuru-ka isu, we are now in the afternoons if not evenings of our lives, and ava vave vakuru futi. They are now in the afternoons. Tinoda (ma) followers tione kuti yes, we are breeding followers in our schools.
Schools should not be ashamed of teaching the history of our country, and the history of the struggle. That’s the history, our history.
Haikona kunzwa mateacher achiti haiwa, izvi hatidi. Tinoda zvaanaNapoleon. Napoleon wamakazivira kupi? So, let us be Zimbabweans.
Rutanhire played his part. Youngsters, won’t you like to be like Comrade Rutanhire?
And so, I want to finish up by saying this is a double tragedy yatinayo pano, as I told you.
Ndichitarisa vaviri ava, ndanzwa ndichizunzwa mwoyo wangu, and my tears welling up kuti have we done wrong?
Ndazofunga aah, they played their part.
Mai vange vakurawo, but George was still young, aine chirwere chinobva mukubayiwa kwaakaitwa uku. He might have developed other ills because of the weakness his body now had acquired from the attack that affected him.
We have created friends nestruggle yedu, friends neMozambique, friends neZambia, friends neSouth Africa and Namibia, friends with Angola.
Kubva vakoka Secretary for Administration wedu kuti huyai mugoita observe maelections edu kuAngola.
That now is the broadening of our struggle, linking up with similar struggles with these countries. And we say, therefore, to George, son of the soil, you played your part; played your part with utmost humility, but with very strong ideological direction.
We hope some of the youths you had occasion to lead will follow you. Even if they will not be the total number of those you managed to teach and lead, but if only a portion of them can carry forward your work and behave in the same way as you have behaved, with the same character, the same forgiveness.
That sacrifice, in our case, is putting the people first because our ideology was to build a force, a struggle, which was people-oriented which put the people first. That is why we say the Zanu we have is not a Zanu that should work for individuals, but a Zanu that puts people’s interests first.
Vanhu, vanhu, vanhu, vazhinji vedu munyika vose; marights avo, mainterests avo, rugare rwavo, zvese zvavanoita. Vaneminda here?
Tinoda ideology yakanangana naizvozvo. Tinoda party inoramba yakanangana nekusimudzira vanhu.
So, we are a people’s party.
The police, a people’s police force; the defence forces and army to secure our people, defend them when necessary; intelligence for us to know whether we have enemies who would want to affect our living standards, and who are part of the detractors of our development.
The three must work together and I plead, please please have harmony between yourselves.
Please, please share ideas. Please, please have your joint meetings and please, please let your programmes, the programmes of each of you, be known to others.
Isu vazhinji ngatiregei kutya kuti masoja edu aah, tinotya isu, aiwa. They are your soldiers. They want to work with you; the police force, be a police force of the people.
Kwete kuita zviito zvatinonzwa zvekumirira vanhu mumugwagwa muchivabhadharisa. Hatidi kuzvinzwa izvozvo! Hatidi kuzvinzwa izvozvo! Saka, stop that evil.
Kana muchida kupihwa minda, tinokupai murime. Kana muchidawo kuita mabusiness akanaka, itai mabusiness akanaka. Why not?
If you are policemen and can combine and run a bus fleet panzvimbo pokuenda kuseri muchinoita zvimacommuter (omnibus) izvi, zvimwe zvacho zvirikuuraya vanhu.
Zvino kana chicommuter chemupurisa chauraya vanhu, zvino unoti basa racho rehupurisa unoitirei?
Aiwa, combine, combine, combine, mubude pachena. Tinokupai chance yekuti muite a bus company yenyu. You buy two or three buses; combine. It can be run not just by yourselves, munotsvagawo vamwe vanoita madriver kana vana venyu. That’s more dignified; kwete zvekuhwandira mari dzevanhu izvi.
Zvirikowo kwaanaChiwenga ukuwo. Please clean your own dirt. Ehe, iriko ikoko futi.
But yandiri kutaura iyi ndo irikuchemwa nayo nevanhu zvakanyanya.
Aiwa, ndingafunga kuti yasvika nguva yekuti tichichengeta hama dzedu. So, I want, on your behalf, to say to Mai Moudy Muzenda, George Rutanhire, we are assembled here as your colleagues to bid you farewell.
So, go in peace. Rest in peace. May God ensure that you have eternal life.
Tatenda.




