Abaiwa nebanga aramba kutengera munhu doro

Lovemore Kadzura

MURUME wekwaMambo Zimunya ari kurwira hupenyu hwake muchipatara cheVictoria Chitepo Provincial Hospital, kwaMutare mushure mekubaiwa nebanga pahuro nemumwe murume uyo ainge asina kufara nechikonzero chekuti akaramba kumutengera doro.

Mapurisa akasunga Norest Mbiza (33) wemubhuku rekwaMbiza nemhosva yekuyedza kuuraya Linton Dindingwe (28) uyo aipomera zvekare mhosva yekudanana nehanzvadzi yake.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reManicaland, Assistant Inspector Wiseman Chinyoka, vanoti Dindingwe ari muchipatara umo ari kurapwa.

“Nyaya iyi yakaitika nomusi wa26 Chikunguru 2025, munguva dzemanheru uye mupari wemhosva iyi anonzi ainwa doro paMadanga Shops, kuMbiza Village, kwaMambo Zimunya.

“Mbiza akaenda kuna Dindingwe achida kuti amutengere doro. Aitaura zvakare kuti Dindingwe ari kudanana nehanzvadzi yake.

“Dindingwe airatidza kuti akanga asina mari uye mhinduro iyi haina kutambirwa zvakanaka naMbiza achibva avhomora banga risingazivikanwe mhando yaro ndokubaya mumhan’ari kamwe chete pahuro nechepazasi penzeve yekuruboshwe.

“Dindingwe akachekwa pahuro ndokumhanyiswa kuMunyarari Clinic uko akazodarikidzwa kuVictoria Chitepo Provincial Hospital kunorapwa,” vanodaro Asst Insp Chinyoka.

Vanoti chimiro cheutano hwake chiri pari nani uye nyakupomerwa mhosva akasungwa zvisinei nekuti banga iro anonzi akashandisa harina kuwanikwa.

“Tinokurudzira veruzhinji kuti vasaite mhirizhonga senzira yekuedza kugadzirisa nyaya uye kusawirirana kunofanirwa kugadziriswa murunyararo. Vanhu vanenge vaine kusawirirana vanofanira kutsvaga rubatsiro kune vamwe kuti vayananiswe,” vanodaro.

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *