Abhadhariswa faindi anyepa kuti abirwa

Getrude Manyande

MURUME wekuGwanda abhadhariswa faindi yeUS$100 mushure mekupa mapurisa mashoko enhema achiti akange abirwa nharembozha yake pamwe chete neUS$330 nevarume vana vaasingazive.

Arnold Siziba, wemumusha waMatshetsheni, akawanikwa aine mhosva mushure mekubvuma kuti akapa mashoko enhema kumapurisa apo nyaya iyi yakatongwa nemutongi wedare rekuBulawayo, VaGolden Mahamba.

Siziba akatongerwa kugara mujeri kwemwedzi mitatu, asi mutongo uyu wakasendekwa parutivi kwemakore mashanu nechitsidzo chekuti haafaniri kupara mhosva yakafanana neiyi panguva iyoyo.

Muchuchisi VaArnold Mudekunye vakaudza dare kuti musi wa16 Nyamavhuvhu, nenguva dza10 mangwanani, Siziba akaenda kukamba yemapurisa yeInsuza ndokunotaura kuti akange abirwa nharembozha yerudzi rweItel C8 neUS$330 nevarume vana vaasingazive.

“Mapurisa akaenda kunzvimbo yacho ndokuona kuti Siziba akange apa mashoko enhema, izvo zvakazoita kuti asungwe,” vanodaro VaMudekunye.

Related Posts

Suluman ochengetedza nhaka yemhuri

Trust Khosa DAI kurongeka uye kuziva kutakura mutoro zvaive bvunzo, Suluman Chimbetu angadai akabuda nezvibodzwa zvepamusorosoro. Takatarisana nenyaya yekuchengetedza nhaka yemhuri, Sulu, semazivirwo anoitwa mutungamiri weOrchestra Dendera Kings uyu nevoruzhinji,…

Makororo matatu ogara mujeri kwemakore 70

Kingstone Mapupu MAKORORO matatu aiva ashungurudza vagari vekuKadoma nedzimwe nzvimbo dzakapoteredza nekuvabira midziyo yakasiyana akatongerwa kugara mujeri kwemakore anosvika 70 pamwe chete. Vatatu ava, avo vakasungwa nemusi wa30 Kubvumbi nekuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *