Afobe otambiswa nhova

MUTAMBI weBournemouth, Benik Afobe, akange asimo mumutambo wechikwata chake neArsenal musi weChipiri svondo rino nekuti haana kuwaniswa matsamba anomutendera kuti atambe nhabvu kuDemocratic Republic of Congo.

Afobe akasarudza kuti abude muchikwtaa cheDR Congo chichanokwikwidza kumutambo weAfrica Cup of Nations uye akamirira tsamba kubva kunyika yake.

DRC yakabvuma kuti mutambi uyu, uyo ane makore 23 okuberekwa, arambe ari kuBournemouth asi chikwata chemuPremier League ichi chinofanirwa kutanga chapihwa matsamba anochitendera kuti chimutambise.

Afobe akanwisa apo Bournemouth yakakunda Swansea 3-0 paNew Year’s Eve uye mumwe wevatambi vatatu vakasiyiwa muchikwata chakasangana neArsenal.

Jack Wilshere ndiye mumwe asina kutamba nekuti aisakwanisa kusangana neArsenal sezvo chiricho chikwata chake chakamukweretesa kuBournemouth. Kozoti Andrew Surman akange akagariswa pabhenji. – Daily Mail Football

 

Related Posts

Baba vazvisungirira vaita makunakuna nevanasikana vavo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 50 ekuberekwa wemubhuku raParowa kwaMambo Marange, kwaMutare akawanikwa akafa svondo rapera munyaya inofungirwa kuti akatora upenyu hwake mushure mekunge anetsana nemwanakomana wake uyo aimupomera mhosva…

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *