ZRP yobatsira nherera, chirikadzi

Trymore Muvhawa—

MAPURISA eZimbabwe Repulic Police ari kuita basa guru rekubatsira nherera nechirikadzi dzakasiiwa nemapurisa aishandira chikamu chePolice Protection Unit (PPU) kubudikidza nekuvapa chikafu nekubhadharira vana mari dzechikoro.

Vachitaura pakupa chirikadzi chikafu nguva yadarika muHarare, Officer Commanding Police Protection Unit, Senior Assistant Commissioner Lee Muchemwa, vanoti ibasa ravo kurangarira vamwe vavo vavakashanda navo, avo vakashaya, kuburikidza nekuchengeta mhuri dzavo.

“Chirongwa chatinacho nhasi chekubatsira nherera nechirikadzi dzakasiiwa nevamwe vedu vaishandira Police Protection Unit tinochiita gore negore apo tinenge tichigovera mhuri dzavakasiya chikafu nezvimwewo. Kunze kwechikafu, vana nemadzimai ava tinovabatsira nenzira dzakasiyana-siyana.

“Tinoendesawo vana kuchikoro kusvika kuyunivhesiti asi chatinoita ndechekuti vabereki vari kugara navo vatipe magwaro anoratidza danho ravasvika,” vanodaro Snr Asst Comm Muchemwa.

Vanoenderera mberi vachiti, “Makore mazhinji, tine munda watinorima tichizopawo mhuri idzi chibage kuti vakwanise kubatsirika. Izvi zviri kuitwa kumativi ose enyika. Dzimwe dzenguva imwe yemari iyi inobva kuhomwe yePolice Commissioner General’s Fun Fare, Horse Race pamwe nekune vamwe vanotibatsira.”

Mumwe ari kubatsirwa pasi pechirongwa ichi, Mai Sally Chikwiriro, vanoti vanofara zvikuru nekuwaniswa zvekudya pamwe nekubhadharirwa mari yevana yechikoro.

“Ndinotenda Commissioner-General Chihuri nevose vePolice Protection Unit vanoita kuti chirongwa ichi chienderere mberi nekuti vanotibatsira zvikuru. Murume wangu akashaya muna 2012 asi kubva ipapo ndiri kuwana rubatsiro rwechikafu nemari yevana yechikoro.

“Ndinodawo zvakare kuti isuwo semadzimai akasiiwa nevarume tiine mhuri, ibasa redu kuti tishinge kuchengeta mhuri dzedu kuburikidza nekuita mabhindauko akasiyana-siyana,” vanodaro Mai Chikwiriro.

 

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *