Agrifoods yosimudzira varimi

Abel Ndooka
KAMBANI huru munyaya dzekugadzira chikafu chezvipfuyo munyika muno yeAgrifoods inoti iri kutsigira varimi zvikuru kuburikidza nekutenga soya bhinzi dzavanorima ichidzishandisa mukugadzira chikafu chezvipfuyo chakasiyana.

VaLuke Mutemeri – avo vanove sales and marketing manager kuAgrifoods – vanoti sekambani donzvo ravo nderekusimudzira varimi nekuvatengera soya bhinzi kuitira kuti vawane pundutso mumabasa avo vagokwanisa kuraramisa mhuri dzavo.

“Isu varimi vemuno ndiwo musimboti wezvese uye zvirimwa zvavo tinozvikoshesa ndiko kusaka tiri kutenga zvavanorima nechinangwa chekuvasimudzira.

“Isu tinotenga zvinorimwa muno kuti mari irambe ichitenderera varimi vedu vagare vachifara nekuti tikatenga muno hapana mari inenge ichibuda kunze kwenyika,” vanodaro VaMutemeri.

Vanoti chikafu chavanogadzira chezvipfuyo  chakanakira zvipfuyo zvikuru sezvo chisina zvimwe zvakawedzerwa (GMOs).

“Chikafu chemuno chakanakira kuti hachina zvakawanda zvinenge zvakawedzerwa imomo zvakaita semaGMOs ayo anokodza zvipfuyo, kana chikafu chacho hachizombonake,” vanodaro.

VaMutemeri vanoti vari kushanda pamwechete nekambani yeFarm & City inove ndiyo iri kutenga soya bhinzi kubva kuvarimi.

“Takaita hurongwa neFarm & City kuti ititengere soya bhinzi idzi kubva kuvarimi. Varimi tiri kuvafambira, kuvarakidza kuti vakatikoshera,” vanodaro.

Agrifoods ine mukurumbira wekugadzira chikafu chezvipfuyo zvakasiyana zvinosanganisira mombe, nguruve, huku nembudzi.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *