Aguero akasvipirwa mate

MANCHESTER-CITY inoti ichaita ongororo yemashoko anoti Sergio Aguero akasvipirwa mate nemumwe mutsigiri mushure mekunge chikwata ichi – icho chiri muEnglish Premier League – chatadza kuenderera mberi mumutambo weFA Cup zvichitevera kuburitswa kwakachaitwa neWigan nemusi weMuvhuro usiku.

Aguero anonzi akaenderwa nemumwe mutsigiri munhandare panguva iyo mazana nemazana evatsigiri vaimhanya munhandare yeDW Stadium apo Wigan yakashamisa City nekuikunda 1-0.

Mutambi uyu anonzi anotaridza kuti akataura nehukasha kumutsigiri wenhabvu uyu uye akazodziviswa nevamwe vake.
Chizvarwa chekuArgentina ichi – icho chine makore 29 okuberekwa, chinogona kupinda panguva yakaoma nesangano reFA kuburikidza nezvakaitika izvi.

Sangano iri richaongorora vhidhiyo remutambo uyu kuitira kuti rione kana pane mhosho dzingapomerwe Aguero.
SunSport inoti vakuru vechikwata cheCity vari kutsigira mutambi wavo uye vachamira naye kana FA ikafunga zvekumuranga pamusoro pechiitiko ichi.

Mutori wenhau wekuArgentina, Jose Alvarez Haya, anoti Aguero akasvipirwa mate nemumwe mutsigiri weWigan akange apinda munhandare uye hapana zvaaikwanisa kuita kunze kwekuzvidzivirira.

Haya akanyora paTwitter kuti, “Mumwe mutsigiri weWigan akasvipira mate Aguero saka hapana zvaaikwanisa kuita kunze kwekuzvidzivirira. Kun anogona kurangwa neFA? Zvii zvinoitika kuvatsigiri vanenge vari munhandare? Zvinowanikwa kuti munhu anokwanisa kuzvidzivirira kana vanhu vachinge vauya kwaari nehunhu husina kunaka uye kumusvipira? Ngatifungei zvakanaka.”

Zvakadai, mumwe wevatsigiri venhabvu anonzi akapotsera chimwe chinhu apo Aguero aidarika uye mutambi uyu akazosimudzwa nevarairidzi veCity apo aida kudzosera zvaakange aitwa.

Mitemo yeFA inotendera sangano iri kuranga mutambi anenge apara mhosho ipi zvayo. – The Sun

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *