Akabatwa ne zesa ari pabhasikoro

Muchaneta Chimuka

KUDOMBOSHAVA kune murume akafa mushure mekubatwa nemagetsi svondo rapera apo aichovha bhasikoro rake paZimbiru Business Centre.

Mutevedzeri wemutauririri wemapurisa kudunhu reMashonaland East, Assistant Inspector Tendai Mwanza, vanotsinhira nezvenjodzi iyi.

“Tine murume anonzi Potiphar Chigamba (33) uyo akange achichovha bhasikoro rake achibva kwaZimbiru Business Centre, kwaChinamhora, achienda kumba kwake kubhuku rekwaMurape apo akatsika tambo dzemagetsi dzaive pachena zvikaita kuti abatwe nemagetsi achibva angofira ipapo,” vanodaro.

Asst Insp Mwanza vanoti mapurisa akaziviswa nezvetaona iyi vachibva vanotora mutumbi wake uyo wakaendeswa kuParirenyatwa Group of Hospitals uko uri kuongororwa.

“Tinoramba tichikurudzira veruzhinji kuti kana vachinge vaona tambo dzemagetsi dzinenge dziri pachena, vakasike kuzivisa veZEDTC nekuti dzinoisa upenyu hwevanhu panyatwa, zvikuru vana vadiki.

‘‘Seapa, takatorasikirwa neupenyu hwemunhu aifanira kunge achiriritira mhuri yake,” vanodaro.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *