Akabaya tete vake nebanga

Muhamed Komboni ari kwaMutare

MUKADZI anogara mumusha weChikanga, kuno, akamiswa mudare reko achipomerwa mhosva yekurikita tete —hanzvadzi yemurume wake — nezvibhakera, ndokuzovabaya nebanga zvikaita kuti vakuvare zvakaipisisa.

Prisca Mahowa (21) anobvuma mhosva yekurova pamwechete nekubaya Vimbikai Chidonhi (37) nebanga paanomiswa pamberi pemutongi Muzvare Prisca Tendai Manhibi wedare reMutare Magistrate Court svondo rapera.

Zvinonzi Chidonhi akabvunza muroora wake kuti akanga asina kuonawo tswanda yake yekuisira hembe (washing basket) yaakanga ashaya kwemasvondo maviri here.

Izvi zvinonzi zvakaita kuti pave nekusawirirana pakati patete nemuroora ndokubva pamuka zvimbokoma.

Mahowa anonzi akanhonga danda remupuranga ndokutanga kurikita Chidonhi padumbu.

Pedzezvo, anonzi akabva azodhedha Chidonhi nebanga paruoko rwake rwerudyi pamwechete nepagumbo.

“Ichokwadi, ndizvo zvakaitika. Takanga tanetsana natete nenhau yetswanda yavo yekuisira mbatya yavakanga vashaya zvikazoita kuti titadze kunzwanana ndokuzorwisana. Tinogara tose, nazvino tichiri kungogara muimba imwe chete,” anodaro Mahowa achipupuma nehasha mudare.

Chidonhi anonzi akazoridza mhere zvikaita kuti mwana wake, Natalia, naamai vake Roobie Mukwindidza vamhanye kunodzimura mhirizhonga iyi.

Chidonhi anonzi akakuvara zvakaipisisa naizvozvo akazomhanyiswa kuchipatara cheMutare Provincial Hospital kunorapwa.

Nyaya iyi ichiri kuenderera mberi mudare iri.

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *