Akabuda mukanwa megarwe

Kingstone Mapupu —
MUSIKANA wekuKanyemba, kuMashonaland Central, anoti akarwisana negarwe rainge ramubata kwemaminitsi anokwana makumi maviri rikazotiza apo airedza hove murwizi rwaZambezi.

Eneresi Chibaya (20) anoti akasangana nenjodzi iyi nguva yakadarika apo aiva anoraura hove nemumwe wake.

Musikana uyu akaita hurukuro neKwayedza svondo rapera apo aive kumuzinda wechechi yeProphetic Healing and Deliverance Ministries muguta reHarare uko vanhu verudzi rwake rwechiDoma vakange vauya kubva kuMbire kuti vazobatsirwa mune zvakasiyana nechechi iyi.

“Ndakaenda kunoraura kurwizi rwaZambezi ndiina Joyce Nyamuparadzi (20). Takasvika ndokutanga kuraura tiri kumahombekombe kwerwizi pamvura yaiva shoma zvikuru,” anodaro.

Musikana uyu anoti vakagara kwechinguvana vachibata hove idzo dzaidyira zvikuru. Joyce anoti vakazoshamiswa kuona garwe iro rakangoerekana rauya nekuseri kwavo ndokusvikoruma iye nekumusana richibva ramupunzira pasi richida kumusandudzira mumvura. Akabva atanga kurwisana naro.

“Rakandipunzira pasi ndokundiruma pachipfuva, ndakaita simba randisingazive kwarakabva apo ndakarisandudzira ndokuramba rakandiruma. Rakandirovera pasi katatu rakangondiruma chete.

“Parakandirovera pasi kechina rakandiruma ruwoko rwekuruboshwe, ndopo ndakagona kubvisa hembe yangu ndokubva ndaripakira mukanwa mayo ndichipinza ruwoko mukati nehembe iyi apo rakatanga kudzipwa tichirwisana rakanditsikirira,” anodaro Eneresi.

Anoti garwe iri parakaona kuti rakanga rave kudzipwa nehembe yake, rakasvetuka richibva ramusiya ndokutiza rakananga nekudhibhi riri padyo richiratidza kuti rakanga rave kutotadza kufema zvakanaka nekuda kwehembe iyi.

“Paraindirwisa apa shamwari yangu airitema nematombo ari nekure uye parakatiza, rakazodzoka apo ndakange ndarara pasi ndakuvara. Joyce akaramba achiritema nematombo iro richibuda furo mukanwa apo rakasvikomira rakatsika nemakumbo maviri ekumashure pasi richidongorera kuita semunhu,” anodaro.

Eneresi anoti haazive mabvisiro ayo akaita hembe yaiva yabvaruka nekurumwa negarwe iri. Anoti shamwari yake yakazomubereka kunosvika kumugwagwa wemotokari uko vakazowana motokari yakavatakura kuenda kuchipatara. “Motokari iyi yakandiendesa kuchipatara cheKanyemba ndokuzodarikidzwa kuKatondo, kuZambia, uko ndakanogara mwedzi wese ndichirapwa,” anodaro Eneresi.

Mukushi wemashoko kubazi rinoona nekuchengetedzwa kwemhuka dzesango reZimbabwe Parks and Wildlife Management Authority, VaTinashe Farawo, vanoyambira veruzhinji kuti vasiyane nenyaya dzekupinza upenyu hwavo parumananzombe nekuredza munzizi kana madhamu ane makarwe kana zvimwe zvikara.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *