Oda kurova mukadzi nesando

Lizzy Mushoriwa —
PANE mudzimai anoti murume wake ari kumutambudza achiti haachamuda nekuti achembera uye dzimwe nguva anomboda kumurova nesando.

Dalia Marisa akamhan’arira Tendai Marisa kudare reHarare Civil Court achiti anoda kudzivirirwa pane zvaari kuitwa.

“Mambo wangu, baba ava vanondirova, kundituka pamberi pevana uye vanoda kutengesa imba yatakatenga tose.

‘‘Anoti vana vanosara vachigara pai?,” anodaro Dalia.

Anoti Tendai akamboda kumurova nesando.

“Akambondibatira sando apo ainditi ndikangodaira chete anondiponda. Anondinyima mari yechikafu, ndinotambura nevana iye achigara nemvana yake achinditi ndachembera, handichaite.”

Tendai anopikisana naDalia achiti mukadzi uyu haanzwisise uye haadi kutsiurwa kana achinge akanganisa.

“Mambo wangu, mukangomupa gwaro iroro hameno kuti anorishandisirepi nekuti anogara pamba pangu – otobva atsvaga kwekuenda hake.

“Chiripo ndechekuti amai ava havanzwisise zvachose, anotamba nevanhu vasina varume uye anosvika kumba pakati pehusiku, kungomubvunza oti ndanetswa.

“Imba ndiri kuda kuitengesa kuti ndisuduruke paari. Anonetsa mukadzi iyeyu, izvozvi ane chitupa changu nehembe – ndingori munhu bedzi,” anodaro murume uyu.

Mutongi Amanda Muridzo akapa Dalia gwaro redziviriro.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *