Akabvisisa mudiwa wake hembe pagrowth point. . . ndokumuti afambe ari musvo

Muhamed Komboni

MURUME anogara kwaOdzi akamiswa mudare achipomerwa mhosva yekumanikidza musikana wake kuti akurure mbatya dzose dzaainge akapfeka, ndokumuti afambe ari musvo senzira yekumurwadzisa mushure mekunge amuona aine mumwe mukomana.

Charles Mbaara (43) anobvuma mhosva iyi pamberi pemutongi weMutare Magistrate Courts, Muzvare Notebulgah Muchineripi.

Mutongi Muchineripi anoyambira Mbaara kuti asiyane netsika yekuita mabasa anoshoresa, ndokumutongera kugara mujeri kwemwedzi mitatu mushure mekunge asendeka mimwe mwedzi miviri padivi.

Muchuchisi Godswish Dzivakwe anoudza dare kuti nemusi wa7 Zvita gore rapera, Mbaara akabvakachira musikana wake, Laiza Karenje (32), uyo anoshanda pamagirosa epaChiwere, kwaOdzi, ndokumuwanikidza aine mumwe mukomana zvikamubaya mwoyo.

Mbaara anonzi akabva atora Karenje, ndokuenda naye parutivi kuti vambokurukura.

Mushure maizvozvo, Mbaara anonzi akabva arova Karenje nemaoko ndokumumanikidza kuti abvise zvipfeko zvose zvaainge akapfeka senzira yekumurwadzisa.

Zvisineiwo, Karenje anonzi akatevedzera zvainge zvarehwa naMbaara, ndokukatanura zvose zvaainge akapfeka sezvo aitya kurohwa.

Paakapedza kubvisa zvipfeko zvake zvose, Karenje anonzi akabva amanikidzwa naMbaara kuti afambe asina kupfeka kana chii zvacho uyezve akaudzwa kuti aifanira kuenda pamhomho yevanhu vaiva pamagirosa apa ari musvo kudaro.

Paiitika zvose izvi, Mbaara anonzi ainge aine mupuro weshamhu yaaishandisa kutyisidzira Karenje kuti aite sezvaaida.

Karenje anonzi akazokwanisa kupukunyuka, ndokurova bara kutiza ari musvo kudaro akananga kumisha iri pedyo uko akanopihwa dzimwe hembe nemumwewo mukadzi.

Achipawo divi rake mudare, Mbaara anoti akaita izvi senzira yekutsividza zvaainge aitirwa naKarenje zvekumuwana aine mumwe mukomana.

“Mambo wangu, mhosva ndinoibvuma, ichokwadi ndini ndakaita izvi. Chinangwa changu chakanga chiri chekuda kutsividzawo sezvo musikana uyu akandirwadzisa. Ndaida kuti arwadziwewo sezvaakandiitira, ndaida kutsividza chete,” anodaro asina kana ganda kumeso.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×