Akabvutira mupurisa mboma.. Iyi imhosva – ZRP ..‘Tiri kumutsvaga’

Abel Ndooka

MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) vanoti vari kutsvaga nemeso matsvuku mumwe murume uyo akarwisa mupurisa aive ari muyunifomu pakati peguta reHarare apo akamubvutira mboma yake yebasa, ndokumutandanisa achida kumurova nayo uye akabata zidombo mhomho yevanhu ichiona.

Murume uyu,  uyo asati ave kuzivikanwa, ari kubuda pane rimwe vhidhiyo riri paWhatsApp, paFacebook nepaTwitter achikakaritsana nemupurisa zvekusvika pakumubvutira mboma yake yebasa, kwave kumutandanisa nayo achida kumurova, ndokuzotora zidombo iro anoda kutema naro mupurisa vamwe vanhu vachimukuza.

Mupurisa uyu anozobudirira kubvuta mboma yake yebasa ndokusiyana nemurume anomurwisa uyu.

Mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vanoti mapurisa ari kuferefeta nyaya iyi.

Vanoti imhosva huru kana veruzhinji vakarwisa mapurisa eZRP kana kuvabvutira zvavanoshandisa mubasa ravo.

“Tiri kuferefeta nyaya iyi uye tiri kutsvaga murume anobuda pavhidhiyo achirwisa mupurisa achimutorera mboma yake ndokutanga kumutandanisa nayo achida kumurwisa. Imhosva huru iyoyo, saka tiri kumutsvaga uye tiri kukurudzira mupurisa wacho kuti auye kuzotiudza kuti zvakambonyatsofamba sei panyaya iyoyo.

“Asi regai nditi imhosva huru kukanganisa mapurisa kuita basa ravo, ukabatwa chete uchizviita unosungwa,” vanodaro Asst Comm Nyathi.

Vanoti veruzhinji vakaona kuti mapurisa ari kuita mabasa akashata kana kushanda zvisiri pamutemo, vanofanirwa kunomhan’ara kumakamba ari pedyo navo.

“Mukaona kana kuita fungidziro yekuti pane mapurisa ari kushanda zvisizvo izvo zvinosvibisa zita redu, musarwisana navo kana kutora mutemo muchiuisa mumaoko enyu.

‘‘Asi, mhanyai kumakamba emapurisa ari pedyo nemi monomhan’ara kana kutiridzira nhare kana kutumira mashoko paWhatsApp neTwitter kana paCompliants Desk redu,” vanodaro.

Related Posts

Baba vazvisungirira vaita makunakuna nevanasikana vavo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 50 ekuberekwa wemubhuku raParowa kwaMambo Marange, kwaMutare akawanikwa akafa svondo rapera munyaya inofungirwa kuti akatora upenyu hwake mushure mekunge anetsana nemwanakomana wake uyo aimupomera mhosva…

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *