Akadirwa mvura yaifashaira . . .

Trymore Muvhawa

VAVAKIDZANI vekuMbare vakaendesana kudare redzimhosva vachipumhana huroyi izvo zvakazoita kuti vapisane nemvura inopisa apo mumwe aipomerwa kuti ndiye akadya vana vatatu vemumwe.Tarisai Maposa akamhan’arira Pauline Sithole kuHarare Civil Court achiti ari kumushungurudza.

“Mambo wangu, amai ava vakandisvaura nemvura inopisa ndikaita mwedzi mitatu ndiri muchipatara. Vaindipumha huroyi vachiti ndakadya vana vavo vatatu uye vanoti kana ndisina kudzosa vana vavo nyaya yacho ichiri mbishi,” akadaro Maposa

Akaenderera mberi achiti: “Vanogara vachindituka vachiti, ‘Ndosaka richisemwa nehama dzaro nekuti rinonwa mapiritsi’ uye vanoti ndakapfekedza hanzvadzi yavo mweya werima.”

Maposa akati Sithole anogara achiita minamato apo anenge achimutukirira.

“Handizive kuti Mwari anotambira minamato yavo sei kana vachituka vanhu paminamato,” akadaro.

Sithole haana kupokana nemashoko aMaposa achiti akamudira mvura inopisa nekuti akange amuudza kuti anoroya.

“Ichokwadi kuti amai ava ndakavati muroyi uye kuvapisa nemvura nekuti ndivo vakange vandiudza kuti vanoroya ndikati saka ndimi makadya vana vangu nhai?

“Handina kana mwedzi mitatu ndabva kurasikirwa nevana vangu vatatu vachifa nenzira dzisinganzwisisike iye ndipo anondiudza kuti anoroya, ndaifungeiwo pakadaro?” akadaro Sithole.

Akati kana Maposa achikurukura neshamwari dzake anofanira kuziva pekugumira.

“Shamwari dzavo dzinouya dzichindinyeurira zvavanenge vataura.”

Sithole akaramba kuti anoita minamato achitukidzira Maposa.

“Handipindirane nemashoko anoti ndinonamata ndichimutuka asi kuti ndinongozvinamatirawo sezvinongoita munhu wose,” akadaro.

Mutongi Yeukai Dzuda akapa Maposa gwaro redziviriro.

Related Posts

Zemura oshaya hope nekusabudirira kuAFCON

Tadious Manyepo MUTAMBI wekumashure wechikwata chemaWarriors, Jordan Zemura, anoti haanzwisisi kuti sei Zimbabwe isati yambotamba zvekudarika magroup stage kuAfrica Cup of Nations (AFCON). Chikwata chenyika ichi chatamba katanhatu, ndokukundikana kuenderera…

Murume (32) aponda mudzimai nehuni nekuda kweshanje

Kingstone Mapupu MURUME wekupurazi reSandwich kwaMambo Bunina, kuLower Gweru anonzi akaponda mudzimai wake nekumurova nechitsiga chehuni mushure mekunetsana achimupomera kuita gumbo mumba gumbo panze. Izvi zvinonzi zvakaitika nemusi wa26 Chivabvu…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×