Baloni adzoka ne‘Masvingo eJeriko’

Abel Ndooka

MUIMBI wenziyo dzechitendero ane mukurumbira Freddy “The Messenger” Baloni anoti zvakakosha kuti vanhu vasatarisirane pasi uye vasimudzirane, izvo anokurudzira padambarefu raari kubika rinonzi “Masvingo eJeriko”.

Baloni anotarisirwa kuparura dambarefu rake iri, rinove rechisere, svondo rino.

Mamwe madambarefu aakaburitsa anosanganisira “Ndirwirei Jesu”, “Minamato Yangu Yapindurwa” na”Jehovha Wezvinobatika”.

Achitaura pamusoro pedambarefu rake idzva iri, Baloni anoti akaona zvakakodzera kuti anyore nziyo dzinovaka nekudzidzisa vatsigiri vake kuti mukurarama vanhu vanofanirwa kubatana, vachisimudzirana.

“Ndine kambo kandakanyora kanonzi ‘Upenyu Ivhiri’, ako ndakatsikisa, ndichitarisa mararamiro ari kuita voruzhinji mazuva ano.

“Muupenyu, zvakakosha kuti tisimudzirane nokuti mangwana hatizivi kuti tinomuka tave papi. Saka ndakanyora kambo kanonzi ‘Upenyu Ivhiri’, ako kanotaura pamusoro pekusimudzirana uye kurangarirana.

“Munhu usati kana zvako zvaita, wotanga kutsvinyira vamwe vako. Mwari ndivo voga vanoziva kuti mangwana tinenge takamira papi,” anodaro Baloni.

Padambarefu rake idzva iri, Baloni akashanda nemuimbi ane mukurumbira Trymore Bande pakambo “Muka Tinamate”.

“Ini ndiri muimbi anoda chaizvo zvekushanda nevamwe. Ndakafara zvakanyanya uye ndakadzidza zvakawanda nekushanda kwandakaita namukoma Trymore Bande pakambo ‘Muka Tinamate’.

“Pambarefu iri zvakare ndakashanda nevamwe vaimbi vanosanganisira Robbie Mandiki naShuvai Murima pakambo ‘Muranda’,” anodaro.

Dzimwe nziyo dziri padambarefu iri dzinosanganisira “Masvingo eJeriko”, “Zodzo” na”Mwari Vanopindira”.

Related Posts

Mufundisi ave rombe nekutamba ‘kandege’ . . . mari yechegumi yaperera munjuga

Kingstone Mapupu MUFUNDISI uye muvambi wechechi yePower of the World Ministry yemuHarare, Wellington Chinzara (40), anoti akanyengerwa kusiya zveBhaibheri ndokupinda mune zvekutamba njuga yemhando ye”kandege”, izvo zvakamupedzera mari yose, ndokusara…

Baba vazvisungirira vaita makunakuna nevanasikana vavo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 50 ekuberekwa wemubhuku raParowa kwaMambo Marange, kwaMutare akawanikwa akafa svondo rapera munyaya inofungirwa kuti akatora upenyu hwake mushure mekunge anetsana nemwanakomana wake uyo aimupomera mhosva…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *