Akafa arumwa nenyoka mukanwa

Whinsley Masara
MWANA achiri kuyamwa anonzi akafa svondo rapera kuBinga mushure mekurumwa nenyoka yerudzi rwechiva iyo yaakange anhonga ndokuikabira mukanwa make. Ability Ndlovu – uyo aigara nevabereki vake kubhuku rekwaMabula, kwaMambo Siansali – anonzi akarumwa kaviri, pamuromo neparuwoko nenyoka iyi.

Njodzi iyi inonzi yakaitika apo mwana uyu aive aigere pasi pemuti achitamba nevamwe vake vana.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMatabeleland North, Chief Inspector Siphiwe Makonese, vanotsinhira nyaya iyi.

“Ndinotsinhira kuti takatambira mashoko enyaya yemwana uyo akafa mushure mekurumwa nenyoka kaviri. Apo vana ava vaitamba, nyoka – iyo yakaonekwa nemumwe mufakazi sechiva – inonzi yakazvonyongoka ichienda kwaive nemwana uyu. Mwana uyu anonzi akabva ainhonga, ndokuiisa kumuromo kwake. Nyoka iyi yakashatiriswa ichibva yamuruma kamwe chete pamuromo neparuwoko.

“Apo mumwe wevana ava ane makore mana okuberekwa akaona kuti mwana uyu aive nenyoka mukanwa, akaidhonza nekumuswe achibva aikanda pasi. Vana ava vakabva vachema vachida kuti vabatsirwe,” vanodaro Chief Insp Makonese.

Muzvare Sibongile Mudenda, vanove amai vemwana uyu pamwe chete nemumwe wehukama, Mai Beritha Mleya, vanonzi vakamhanyira paitambira vana ava ndokubva vauraya nyoka iyi.

Chief Insp Makonese vanoti Muzvare Mudenda vakayamwisa mwana uyu – uyo aichema zvikuru nekuda kwekurwadziwa.

“Madzimai maviri aya akabva amhanya kuna ambuya vavo vachinotsvaga mushonga wechivanhu wekurapisa mwana. Mwana uyu akatadza kuwana rubatsiro rwekurapwa kukiriniki nekuda kwekuti iri chinhambwe achibva angofa,” vanodaro.

Chief Insp Makonese vanokurudzira veruzhinji kuti vachimbidze kuenda kuchipatara kana kukiriniki kunorapwa kana varumwa nenyoka.

Vanoyambira vabereki kuti vagare vachiona panenge pachitambira vana vavo.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *