‘Hausvike Kirisimasi uri mupenyu’

Ashley Muchamiri
MUKADZI wekushaiswa rugare nemurume nemudzimai wake – avo vakamutengesera sitendi yemba asi vaanoti vari kurima pachivanze chake vachiudza vana vake kuti iye haasvike Kirisimasi ari mupenyu – akazopotera kudare redzimhosva.

Memory Magunya akamhan’arira Francis Chimbamwe nemudzimai wake Chipo Matamaire kudare reHarare Civil Court achiti vari kurima pachivanze chake.

Magunya anoudza mutongi Tafadzwa Miti kuti pose Matamaire paanosanga nevana vake pachiteshi, anovatyisidzira kuti achauya kumba kwavo achivapedza vose uyezve Chimbamwe akaudza vana vake kuti Kirisimasi haisvike asati afa.

“Vakanditengesera sitendi asi pandakaenda kumahofisi ekanzuru, vakati sitendi haisi muzita ravo vaviri ava, itoriwo nemuridzi wayo. Chimbamwe akasangana nevana vangu pachiteshi akavaudza kuti Kirisimasi haisvike ini ndiri mupenyu,” anodaro.

Chimbamwe naMatemairi vanoti Magunya haana kuvapa mari yavo yakasara pavakamutengesera sitendi saka vave kutora sitendi yavo.

“Amai ava takavatengesera sitendi nemari inoita $8 500 asi havana kupedza chikwereti, apa vave kutotengesera mumwe munhu futi. Saka takadzoka kuzotora sitendi yedu,” anodaro Chimbamwe.

Mutongi Miti akapa Magunya gwaro redziviriro nererunyararo.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *