Akafira bhora rechikweshe

MUKADZI wekwaSeke wekubatwa nemhosva nedare rekuChitungwiza Magistrates Court yekuponda kamwana kakomana kaiva nemakore 15 ekuberekwa nemutswi mushure mekunge vanetsana nenyaya yebhora rechikweshe akatongerwa kugara mujeri kwemakore matanhatu.

Mutongi wedare iri, Estere Chivasa, akabata Chipo Nkomo (21) wekwaTunha, kwaCharakupa, nemhosva yekuponda Godknows Chigurapati (15).

Mutongi akazomubvisira gore rimwe chete pachirango ichi paine chitsidzo chekuti hafaniri kupara imwezve mhosva yerudzi urwu mukati memakore mashanu.

Nkomo akatongwa nemhosva yekuuraya munhu asina chinangwa (Culpable Homicide Section (49(1)(a) of the Criminal Codification Act.

Nkomo akabvuma mhosva yake pasina kukakama zvisinei nekuti anoti akaita izvi senzira yekuzvidzivirira mukupondwa nemwana waainetsana naye uyu anove akange amubatira zvidhinha.

Muchuchisi Loveti Muringwa akaudza dare kuti nomusi wa8 Nyamavhuvhu gore radarika munguva dzemasikati, Godknows akange achitamba bhora rakagadzirwa nemapepa neshamwari dzake apo Nkomo akange ari kutsvaira mumba yake yekubikira.

Nkomo akazobuda mumba ndokutora bhora rakange richitambwa nevana izvo zvakaita kuti Godknows amubvunze chikonzero chekuita izvi.

Nkomo akabva atangisa kutukirira mwana uyu izvo zvakaita kuti Godknows amupindurewo zvinova zvisina kumufadza achibva amukanda mbama kamwe chete.

Mwana uyu akabva amudzorerawo izvo zvakaita kuti vaviri ava vagumisire vorwa.

Michael Tunha ndiye anonzi akazorandutsira botso iri.

“Godknows paakange ave kuenda, Nkomo akatora chimhedu chechidhinha ndokuchipotsera izvo zvakaita kuti mwana uyu anhonge zvimedu zvezvidhinha zviviri kwava kutandanisa Nkomo achida kumutema.

Nkomo akatizira mumba yake yekubikira asi Godknows akaramba achimutevera izvo zvakaita kuti apedzisire atora mutswi waive mumba umu achibva amurova nawo mumusoro,” anodaro Tanaka Tafirenyika, anove mufakazi uyo aitamba bhora naGodknows

Anoenderera mberi achiti, “Mushure mekurohwa nemutswi, akabva adonhera pasi ndokufenda ndokuzomuka kwapera kanguva. Ndakabva ndamutora ndokumuperekedza kumba kwavo ndichibatsirwa naTunha.”

Ambuya vaGodknows, Esina Mapisa (64), vanoti pavakadzoka kwavakange vashanya vakasvikotaurirwa nemuzukuru wavo kuti akange atekeshwa kurohwa nemutswi naNkomo uyo aimupomera mhosva yekuti aigara achimutuka uye kuti akange amutorera bhora ravaitamba.

“Ndakazotora muzukuru wangu ndokuenda naye kukirinika asi akange ave kurwara zvakanyanya tichibva tanomhan’ara kumapurisa ekuDema. Mushure mezvo, ndokuenda naye kuChitungwiza Central Hospital uko akazoshaya muzuva rakatevera,” vanodaro.

Mutswi wakashandiswa mukurova mwana uyu wakaburitswa mudare seumboo.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *