Kingstone Mapupu
MUDZIMAI wekuBocha, kwaMutare, anoti akarwisana negava rikamuruma zvekuda kumuuraya kwenguva inokwana awa rose apo akazopona nekubatsirwa nemurume nemwana wake.
Nyaya iyi inonzi yakaitika nemusi weSvondo wadarika mubhuku raChitukwanayi, kwaMarange, apo Nurscy Muparutsa (34) akarwisana nemukono wegava.
Muhurukuro neKwayedza, mukadzi uyu anoti aiva achidiridza zvirimwa mubindu ravo apo akasangana nenjodzi iyi.
“Ndakamuka mangwanani ndokuenda kubindu kwedu ndichiti ndinodiridza muriwo nechibage nguva dziri kuma9. Apo ndaienda kunochera mvura pane rimwe tsime redu, ndakaona gava richiuya kwandiri ndokuti pangu papera.
“Ndokuedza kutiza ndikatadza kurisiya apo rakasvikondikachikira kundiruma patsapfu ndokudzandabvura nyama ndikapunzika.

“Ndakangokwanisa kutendeuka ndokuribata shaya yepasi neyepamusoro ndokuramba ndakadaro kusvikira ndakakwanisa kuri punzira pasi,” vanodaro Mai Muparutsa.
Vanoti pavakaripunzira pasi, vakabva varigara matunduru vakaridzvanyidzira pasi apowo vachiridza mhere yekushevedza mwana wavo mukomana mukuru.
“Mwana wangu Sacrifice Mufambi (17) akazouya achimhanya anzwa ndichiridza mhere ndokusvikoona ndakatsitsirira chikara ichi pasi achibva asvikogarawo nechekumuswe kwegava iri sezvo raiedza kupukunyura kuti rindirume. Ipapo akabvawo atanga kuridza mhere achishevedza baba vake nevamwewo vanhu apo murume wangu John Mufambi (48) akazouyawo achimhanya,” vanodaro.
Vanoti murume wavo achiona mashura aya, akanhonga chimuti chakatesva chaiva pedyo ndokunopinza mukanwa megava iri kusvika mudumbu chaimo zvikaita kuti rishaye simba.
“Baba pavakasvika, vakatora chimuti chakaoma ndokuchipinza mukanwa megava iri ini ndakaridzvanya shaya bedzi, ndokuripakira chimuti kusvika mudumbu chaimo vachibva vasiya chakadaro.
“Vakazonhonga dombo nezvidhinha apo vakazoripedzisa, vamwe vanhu vemumusha vakazouya vakasvikoona mashura aya.”
Sacrifice anotsinhira nyaya yekurwisana kwaamai vake negava.
“Gava iri raiva guru zvikuru, ndakashamiswa kuti amai vakakwanisa sei kurikurira kusvikira varipunzira pasi nekuri bata shaya dzose. Hamheno vamwe vanoti mashura, isu tinongoti igava raizvifambira,” anodaro.
VaMufambi vanoti pavakasvika, vakafunga kuti mudzimai wavo nemwana vaiva vakaiswa “patight” nechikara ichi asi vakazoona kuti gava iri ndiro raiva pasi rakagarirwa nevaviri ava.
“Gava iri takazoripisa kuita dota vadzimai tikavaendesa kukiriniki yekuno kuZumbare Clinic vakazodarikidzwa kuMutare General Hospital uko vakanorapwa ronda ravakarumwa nekubaiwa majekiseni. Nyaya iyi takaisvitsa kumapurisa ekuno,” vanodaro VaMufambi.

Mutevedzeri wemutauriri wemapurisa eZimbabwe Republic Police kudunhu reManicaland, Assistant Inspector Luxson Chananda, vanoti vanoda nguva yekuongorora pasvika nyaya iyi.
Asi Sekuru Charles Makwiyana Ndunge (90) vekuSouth Downs, kuChipinge, vanoti gava iri rinogona kudaro raive ratumwa nevaroyi.
“Gava rinotya vanhu kwete zvekuti rinomhanyira kunoruma munhu, idumwa kana chikwambo chavakatumirwa ichi. Saka vanofanirwa kufamba muchivanhu vabatsirwe kwete kungorapwa kuchiRungu chete,” vanodaro.
Zvisinei, Dr Chenjerai Njagu — avo vanova deputy director kubazi rinoona nezvekuchengetwa kwezvipfuyo reDepartment of Livestock and Veterinary Services — vanoti gava rakarwisana nemukadzi uyu rinogona kunge raiva nechimbwamupengo.
“Vanhu vakarumwa nemakava kana imbwa ngavaende kunorapwa nekukasika sezvakaita amai ava,” vanodaro.




