Harurwa: Chema nekunakirwa

HARURWA — twupukanana twunorarama nemashizha emiti sezvinongoita hwiza kana kuti mhashu — kudya kunovaka muviri sezvo kuine maprotein uye vamwe vanoti dzinorapa zvirwere zvakaita seBp, shuga kana mhezi.

Svondo rino Mbuya Margaret Muganyi vekuBikita, kuMasvingo, vanorondedzera mamwe mabikirwo eharurwa idzo dzavanoti dzinonyautsa mukanwa zvikuru.

Zvinodiwa:

Harurwa, chikari, munyu, mafuta nechipunu

Mabikiro:

Geza harurwa woisa mafuta mashoma muchikari.

Gadza pamoto ukange wozoisa munyu wakaringana.

Dzikange kusvika dzatsvukirira.

Wozodii?

Bura udziyanike pazuva.

Usakanganwe kusarudza dzimwe dziya dzinovava zvekuchemedza zvekuti unotobuda misodzi pakudzidya. Ndidzo dzinonzi fuve. Fuve ndoharurwa dzine rurava rutema. Harurwa dzinodyiwa dzakadaro kana nesadza remhunga, rezviyo kana rechibage.Harurwa kudya kweparwendo uye hadziwori zvekuti dzinogona kugara kwegore rose kana dzichinge dzaomeswa zvakanaka.

. Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachirongwa chino panhamba dzinoti: +263 713 411 281

Related Posts

Zemura oshaya hope nekusabudirira kuAFCON

Tadious Manyepo MUTAMBI wekumashure wechikwata chemaWarriors, Jordan Zemura, anoti haanzwisisi kuti sei Zimbabwe isati yambotamba zvekudarika magroup stage kuAfrica Cup of Nations (AFCON). Chikwata chenyika ichi chatamba katanhatu, ndokukundikana kuenderera…

Murume (32) aponda mudzimai nehuni nekuda kweshanje

Kingstone Mapupu MURUME wekupurazi reSandwich kwaMambo Bunina, kuLower Gweru anonzi akaponda mudzimai wake nekumurova nechitsiga chehuni mushure mekunetsana achimupomera kuita gumbo mumba gumbo panze. Izvi zvinonzi zvakaitika nemusi wa26 Chivabvu…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×