Akagocherwa kuenda kubhawa

Blessings Chidakwa ari kuGWERU —
MUDZIMAI wekuMkoba 12, kuGweru akapona neburi retsono zvichitevera kupiswa kwaanonzi akaitwa nemurume wake mushure mekunge amudira peturu achimupomera mhosva yekugara achienda kunosasana kubhawa.

Priscilla Munyanyi, uyo pari zvino ari kurapwa muchipatara cheGweru Provincial Hospital, anonzi akapiswa nemurume wake – Shepherd Muringani – mushure mekunge vanetsana nenyaya yekuenda kubhawa nguva nenguva.

Muringani anonzi akaroorana naMunyanyi apo mudzimai uyu aive agara achienda kumabhawa. Achitaura neKwayedza, Muringani ari kuramba mhosva yaari kupomerwa yekupisa mudzimai wake achiti hapana zvaanoziva.

Zvisinei, murume uyu anotsinhira kuti akapopotedzana nemudzimai wake kwemazuva akawanda nenyaya yake yekuramba achienda kubhawa mushure mekunge varoorana.

“Takaita bopoto kwemazuva akati wandei nemudzimai wangu tichinetsana nenyaya yekuti ari kuenda kubhawa mazuva ose. Ndakamuwana ari wemubhawa hangu asi tikapana chitsidzo chekuti haaizoenda mubhawa zvakare upenyu hwake hwose. Zvinondidya mwoyo kuona mudzimai wangu achiita hunhu hwakafumuka kudaro,” anodaro.

Muringani anoti mudzimai wake anogona kunge akazvidira peturu kana parafini oga ndokuzvipisa mushure mekunge amuramba.

“Ndinofungira kuti akazvidira peturu mushure mekumubatisa dombo kwandakaita ndamuti pedu papera sezvo hunhu hwake hwaindigura kunorira,” anodaro Muringani.

Zvakadai, Loreen Munyanyi — uyo anova mukoma waPriscilla —anoti akanzwa kuti mun’inina wake akapiswa naMuringani mushure mekunge amudira peturu.

“Ndakangofonerwawo ndiri kuMarondera kwandinogara ndichinzi Priscilla adirwa peturu nemurume wake ndokupiswa. Pandakaedza kunzwisisa zvakaitika, handina kuwana umboo hwakakwana sezvo Priscilla achiri kunzwa marwadzo uye ari muchipatara,” anodaro Loreen.

Mutauri weMapurisa kudunhu reMidlands, Assistant Inspector Ethel Mukwende, vanoti nyaya iyi ichiri kuferefetwa. “Nyaya yemurume anonzi akapisa mudzimai wake neiri kufungirwa kuti ipeturu kana parafini yakamhan’arwa kuMkoba 16. Mapurisa achiri kuongorora nyaya iyi zvizere maererano nezvakatora nzvimbo,” vanodaro Asst Insp Mukwende.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×