Akaitwa ‘gara ndichauya’

Cassius Mushore
MUKADZI wekuti akaitwa gara ndichauya nemurume wake mushure mekunge vawirirana kuti abve mudhorobha achinogara kumusha uko murume uyu asina kuzotevera kana kutumira mari yechikafu kunze kwetsamba dzerudo panhare akazopotera kudare.

Maurine Nyawarapa akamhan’arira Leon Mashango kuHarare Civil Court achida mari yekuchengeta vana vavo vatatu.

Nyavarapa akaudza mutongi wedare iri, Barbra Mateko, kuti: “Ndiri kuda $100 yekuchengeta vana vatatu. Murume wangu akanditutisa zvinhu zvose achinditi ndiende kunogara kumusha akanditaurira kuti aizondichengeta zvakanaka ini nevana vangu.

“Ndakagara mwedzi miviri asi haana kana chaakambotumira – chikafu, nhumbi dzevana kana munyu zvawo. Chaaingoita kutumira tsamba dzerudo panhare.

“Ndiri kutoshamiswa kuti ari kundiudza kuti ava nemumwe mukadzi nemwana.”

Mashango akaudza dare kuti anokwanisa kupa Nyavarapa $25 chete pamwedzi.

“lni ndinokwanisa kubhadhara $25 chete, mumwe mwana wangu haangare naamai ava asi anogara oga. Ini ndava nemumwe mukadzi nemwana mumwe chete, uyu haachisiri mukadzi wangu asi kuti akatoroorwawo nemumwe murume.

“Akauya kumba kwandinogara ndisati ndava nemumwe mukadzi akatora magwaro ose ekuberekwa kwevana. Ndiye ari kugara nawo, haadi kuti ndiachengete sababa vevana,” akadaro Mashango.

Mutongi Mateko akati Mashango abhadhare $40 pamwedzi.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *