Sekai anorara muchitokisi

CHITSAUKO 6 (Ongororo: Enderero mberi)

Mai Chipunza vanotanga vachiti, “Mungauya kuzodzingwa mumba menyu nekamwana aka?” (71). Tinovanzwa vozviita kepiri vachiti, “. . . asi chimboratidzaiwo kuti muri mukadziwo kani ambuya. Padura kamimbamutekwe ikako akasvodze” (71). Ketatu tinovanzwa voti, “Ndirini handaimbokasiya” (71).

Kave kechina tinovanzwa voti, “Kungomupa chidzidzo chekukura nacho” (71). Kuzoti keshanu tinovanzwa voti, “Imi chingodenhai mugorwa chete. Zvinogozonzi makarwa” (72).

Izvi zvinoita kuti tibvumirane nezvinonyorwa nemunyori apo anoti, “Amai vakaramba vachingokuchidzira nyaya yose kusvika Sekai abvuma” (72).

Asi kana tikazotarisa mapinduriro avanoita vanzi naSekai vauye kuzoona zvainge zvaita Lily tinotanga kuona zvimwe maererano nemudzimai uyu. Anotanga kupindura achiti, “Asi pane zvamuri kundidaidzira kanhi ambuya? Anozviurayira chii munhu akagara zvakanaka kudaro?

Mapinduriro aanozoita ekuti basa rakamuwandira anoita kuti pfungwa dzedu dziende papeji 71 apo zvinonzi, “Hwenyakwese mukombe wedoro.

CHITSAUKO 7 (Nyaya yacho):

Sekai anosvikopfigirwa muchitokisi kwava kuda kuedza kuti pamwe anganzwirwe tsitsi asi hakuna izvozvo. Paanoti achirara, kunhuhwa kwegumbeze neinda zvikati huyai tiende munhu ndokutadza kurara. Panouya kudya kwemangwanani kwakaita sebota anoriramba ndokubva azodaidzwa kuti atsanangure zvainge zvakaitika, mumwe mupurisa achizvinyora zvese netapureta.

Zvapera izvi, anonzi aise zita rake kuratidza kuti ndiye ainge azvitaura, akazoshandura inenge yava mhosva yake. Sekai ainge atsanangura sezvaakaita achiri kumba paakabvunzwa. Chero aibvunda zvake, anogona kunyora zita rake paidikanwa kunzi anyore.

Anozonzi adzokere kumba mumwe wake waakarwa naye kana azobuda muchipatara vachazouya vomudaidza. Sekai panguva iyi haafaniri kumbobuda zvake muHarare nekuti anogona kudaidzwa nguva ipi zvayo. Vakazomutsvaga kana kuti vakanzwa kuti akamboonekwa kune imwe nzvimbo vanomutora vomudzorera muchitokisi.

Pakutanga zvinonetsa Sekai kuti azvibvume kuti ndiye here ainge aregedzwa, munhu ndokuonekwa akangomira. Sajeni vanozomubvunza zvejee kuti asi kuti achiri kuda zvepanzvimbo iyoyo kani, munhu ndiye kuzobvapo achiita sekunge ari kutiza.

Anodzungaira ari pachiteshi chemabhazi ekuZengeza asina mari yekukwirisa bhazi kuti aende kuZengeza kwatete. Nzara inotiwo handisari pakadai apa. Panozoita mumwe muSamariya akanaka akanga aona kuti pane zvainetsa amai ava.

Murume wematikiti uyu avabvunza, ndiye anozobvisa mari muhomwe make kwava kutenga mabhanana nenzungu dzakabikwa kwava kupa Sekai. Pamusoro pezvo murume uyu anobva amukwidza bhazi oenda, Sekai ndokushaya kuti angamutenda sei.

Paanosvika kwavatete anowana pamba pasina munhu, ndokubva agara pasi pomuti wavaimbogara navatete kana vachitandara hope ndokubva dzamuba. Anozomutswa naIrene aibva kuchikoro. Paanomubvunza kuti tete vari kupi anotaurirwa kuti vainge vakabva nezuro wacho husiku, hamheno kwavakaenda uyewo havana kudzoka.

Vapinda mumba Sekai anobva aenda kunogeza muviri. Sadza rabikwa vanobva vadya. Vari pakati pekudya kudaro, Sekai anobva afunga nezvevana vake, mwoyo wake ndokumira.

(Enderero mberi svondo rinouya.)

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×