Akaponda baba vake anonokerwa nesadza

Kudzai Matanga
MURUME wekwaRusape — uyo anofungidzirwa kuti murwere wepfungwa — anonzi akaponda baba vake nekuvarova netsvimbo mumusoro mushure mekunge vanonoka kumupa chikafu apo nguva yake yekuti anwe mapiritsi yainge yakwana.

James Mandeya (42) wepaYorkshire 7B, kuHeadlands, anonzi akarova baba vake Collius James Mandeya (73) netsvimbo inotambiswa hockey mumusoro kakawanda zvikaita kuti vabude ropa rakawandisa.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reManicaland, Inspector Tavhiringa Kakohwa, vanotsinhira nyaya iyi.

“Mushakabvu Collius Mandeya anonzi akarohwa zvakaipisisa musi wa25 Gumiguru 2019 ari pamba pake ndokunofira kuchipatara cheRusape General Hospital,” vanodaro.

James akamiswa mudare remhosva kwaRusape pamberi pemutongi Gift Manyika achipomerwa mhosva yekuponda.

Muchuchusi Binoni Makuwire anoudza dare kuti James anonzi akarova baba vake mumusoro kanomwe netsvimbo yekutambisa hockey achivapomera mhosva yekutadza kumupa chikafu nenguva.

“Mushakabvu Collius Mandeya anonzi aikakavadzana nemwana wake wekutanga James achiti aida chikafu chake chemangwanani kuti agone kunwa mushonga wake asi akaudzwa kuti ambomira kusvika chikafu chaita.

“Nehasha, James anonzi akanhonga tsvimbo yehockey akarova baba vake nayo mumusoro kusvika vasisakwanise kufamba kana kutiza.

“Sabhuku Kwanda, avo vaidarika nepamusha paMandeya, vakazonzwa kuchema kwababa vaJames vachitsvaga rubatsiro vakamhanyira kunoona kuti chii chaiitika.

“Vakasvika vakaona VaMandeya vasingachagoni kufamba, vakadaidza vamwe vemubhuku kuti vavabatsire. Vakabva vavatora vakaenda navo kuchipatara,” anodaro muchuchusi Makuwire.

Nyaya iyi ichadzoka mudare nemusi wa11 Mbudzi apo kutongwa kwayo kuchaenderera mberi.

Veruzhinji vanogara nevarwere vepfungwa vanokurudzirwa kuti vavabatsire kutora mishonga yavo nenguva nechinangwa chekudzivirira njodzi dzakaita seiyi.

Related Posts

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Mudzimai ane mapatya, akatsva nemafuta otsvaga rubatsiro

Muchaneta Chimuka MUDZIMAI wekuManyame Park, kuChitungwiza, uyo akawirwa netsaona yekutsva nemafuta ainge ari pamoto panguva yekubika uye ane mapatya ane mwedzi miviri yekuberekwa, otsvaga rubatsiro rwemishonga yekurapwa pamwe nemukaka wemumagaba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×