‘Tinoda kuti STEM isimudzire nyika’

Malven Mugadzikwa
ZVIDZIDZO zveScience, Technology, Engineering neMathematics (STEM) zvinofanira kubura nyanzvi dzinogadzirisa matambudziko ari kusangana nenyika kunyanya dzekusimudzira upfumi.

Mashoko aya akataurwa negurukota redzidzo yepamusoro, Sainzi nekusimudzirwa kweruzivo rwemuchina, Professor Amon Murwira kuvatori venhau pamusangano weIntellectual Property, Innovation and Value Addition for Business Competitiveness and Sustainable Development uyo wakaitirwa muHarare nguva pfupi yadarika.

Musangano uyu waive wakanangana nekubatanidza veruzhinji kubva kumabhizimusi akasiyana — makuru, madiki neari pakati nepakati — nevekumayunivhesiti nechinangwa chekuti patsvagwe nzira dzekusimudzira upfumi hwenyika kuburikidza nedzidzo.

Prof Murwira vanoti dzidzo yemuZimbabwe kubvira kare, yakanga yakanangana nekusimudzira veruzhinji kuti vave neruzivo chete pazvidzidzo, zvikuru kumayunivhesiti.

Vanoti izvi zvinodzorera nyika kumashure munyanya dzekuvandudza upfumi.

Zvidzidzo zveSTEM, vanodaro Prof Murwira, zvakakosha munyika naizvozvo zvinofanira kunangana nekupa vadzidzi hunyanzvi kuburikidza nekuti vagadzire zvakasiyana kubva mune zvavanodzidza uye zvinopedza mamwe matambudziko ari kusangana nenyika.

“Zvidzidzo zveSTEM zvakakosha uye hatina kuzvirasa. Sebazi, tiri kuti zvidzidzo izvi ngazvisangova zvembiri kuti mwana ane ruzivo rwakakwana rwezvidzidzo zveSTEM. Tiri kuda kuti vana vadzidze zvidzidzo izvi kuburikidza nekuwedzera hunyanzvi hunosimudza indasitiri yedu.

“Vanofanira kuuya nezvigadzirwa zvinoshandisa chizvino-zvino mukupedza matambudziko anosangana nenyika munyaya dzekuvandudza upfumi nekutanga mabhizimisi madiki neari pakati nepakati,” vanodaro Prof Murwira.

Vanoti kudzidza hakufanire kuva kwekungowedzera ruzivo kana kuita mbiri yekuziva zviri mumabhuku pasina hunyanzvi.

“Nyika dzine upfumi hwakabudirira dzakatanga kusimudzira upfumi hwadzo kuburikidza nevanhu vanotanga mabhizimusi madiki neari pakati nepakati. Mabhizimusi aya akanangana nekuderedza matambudziko anenge achisanganikwa nawo munyika.

“Saka tiri kushanda zvakanyanya sebazi kuti mayunivhesiti edu munyika ashande nemakambani vagobura nyanzvi dzemuindasitiri uye kuti vagadzire zvigadzirwa zvinorerutsa mafambisirwo eupfumi munyika,” vanodaro.

Related Posts

Baba vazvisungirira vaita makunakuna nevanasikana vavo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 50 ekuberekwa wemubhuku raParowa kwaMambo Marange, kwaMutare akawanikwa akafa svondo rapera munyaya inofungirwa kuti akatora upenyu hwake mushure mekunge anetsana nemwanakomana wake uyo aimupomera mhosva…

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *