Akapondwa mutumbi ndokupiswa

Kingstone Mapupu

MURUME ane makore 81 okuberekwa wekuZvishavane – uyo aive nebarika remadzimai maviri – anonzi akashaikwa pamusha pake kwezuva rimwe chete, mutumbi wake ndokuzowanikwa musango reko wakapiswa kubva muchiuno kusvika kuchipfuva uye mumusoro muine vanga rekutemwa.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMidlands, Inspector Emmanuel Mahoko, vanotsinhira nyaya iyi vachiti murume uyu anonzi akapedzisira kuonekwa apo akabva kumba kwemudzimai wake mudiki paakamusiya achida kuenda kunobatsirwa nemumwe muporofita pane zvaimunetsa.

“Murume uyu akabva kumba kwake nemusi wa16 Chivabvu ndokusiya mudzimai wake wechipiri aine hari achida kunobatsirwa nemuporofita kubva mumatambudziko ayo aisangana nawo uko asina kuzodzoka kumba. Nyaya iyi yakabva yamhan’arwa apo mapurisa akatanga kuferefeta.

“Mutumbi wake wakazowanikwa musango riri pedyo negaraji rinotengesa mafuta edzimotokari reCom Oil Service Station kuZvishavane,” vanodaro Insp Mahoko.

Vanoti mumwewo murume aidarika nemugwagwa ndiye anonzi akaona mutumbi waShoko.

“Nemusi wa17 Chivabvu nenguva dza7 mangwanani, mumwe murume aitodarika akazoona mutumbi waShoko musango achibva azonomhan’ara nyaya iyi kumapurisa. Mapurisa akaona mutumbi uyu wakapiswa kubva muchiuno kunosvika kumusoro uine ronda mumusoro kugotsi zvatinofungira kuti akapondwa,” vanodaro Insp Mahoko.

Vanokumbira kune veruzhinji vane ruzivo nekufa kwemurume uyu kuti vazivise mapurisa ari pedyo navo.
“Iyambiro yedu nguva dzose kuti vanhu kana vachifamba ngavazivise vari pedyo navo kuti vanenge vachienda kupi,” vanodaro Insp Mahoko.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×