Akapondwa ndokupiswa

Muchaneta Chimuka

MAPURISA ari kuferefeta nyaya yemurume anonzi akawanikwa akafa uye akapiswa muviri wake pedyo neRowan Martin Building muguta reHarare.

Mutevedzeri wemutauriri wemapurisa mudunhu reHarare, Assistant Inspector Dzvova, vanoti murume uyu haasati azivikanwa zita rake. Vanoti mapurisa ari kukumbira vanhu vasiri kuziva kune hama yavo kana vanogona kunge vakangoshaya hama yavo kuti vaende vanoona mapurisa ari pedyo navo zvibatsire mukuferefetwa kwenyaya iyi.

“Nyaya iyi yakaitika nemusi wa30 Ndira gore rino, apo mutumbi wemumwe murume wakaonekwa uri muzigomba rinoputitsirwa matombo pamhiri pemugwagwa uri padyo neRowan Martin Buliding, muHarare. Mutumbi uyu wainge yakapiswa nematayi zvekuti chiso chemunhu hachichatooneki,” vanodaro Asst Insp Dzvova .

Vanoti vari kukumbira veruzhinji kuti vabatsire mukuferefetwa kwenyaya iyi.

“Tiri kutokumbirawo kune veruzhinji vane ruzivo maringe nemafiro emurume uyu uye kana pane vari kushayawo hama yavo vazivise mapurisa ari padyo navo,’’ vanodaro.

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *