Akapotsa afira $4

Vivian Mary Mashanda (32) wepanhamba 3402 Manyame Park, akamhan’arira murume wake, Tawanda Magonyo (35) kudare reChitungwiza Magistrates’ Courts achiti anogara achimurova.MUDZIMAI wechidiki wekuChitungwiza akapotsa asiya nyemba nekuda kwe$4 iyo yaanonzi akabira murume wake zvakaita kuti arikitwe, kurumwa pamwe nekuburitsirwa banga achida kuchekwa.

Mutongi Blessing Murwisi akabata Magonyo nemhosva yekurova mukadzi wake pamwe nekumuburitsira banga ndokumutemera chirango chekubvisa faindi ye$50 uye kukundikana kwake aizogara mujeri kwemwedzi wose. Muchuchisi Edmond Ndambakuwa akaudza dare kuti nemusi wa5 Chikumi gore rino, Mashanda akange ari pamba apo akanetsana nemurume wake uyo aimupomera mhosva yekuba US$4.

Zvisinei nekuti akarambisisa achiti ainge asina kutora mari iyi, murume wake haana kuzvitambira.

Mashanda akazobva pamba apa achienda kuchechi asi paakadzoka bongozozo riye rakamuka zvakare achibva atanga kurohwa nembama pamwe nekurumwa pagokora nemurume wake zvikaita kuti asare aine mavanga emazino.

Muzuva rakatevera munguva dzemanheru, Mashanda paakadzoka kubva kuchechi zvakare, murume wake akamuburitsira banga rerudzi rweOkapi iro raive muhomwe yake achimutyisidzira kuti aida kumubaya naro.

Nekuda kwekutyira upenyu hwake, Mashanda akaenda kunopotera kuhama dzake achibva azonomhan’ara nyaya iyi kumapurisa.

Magonyo, achiedza kuvhika mhosva yaaipomerwa mudare, akati mhirizhonga iyi yakamutswa nekuda kwemashoko aakaona apinda munhare yemudzimai wake munguva dzemanheru.

“Handina kumbomurova asi kuti takanetsana nekuda kwemeseji yakapinda munharembozha yake,” akadaro.

Related Posts

Chikepe chitsva chekutakura vanhu, nhumbi chaparurwa paLake Kariba

Walter Nyamukondiwa MWEDZI unopfuura mumwe chete kubva apo paitika tsaona yechikepe cheMV Rida Mbuya Nehanda iyo yakakonzera kufa kwevanhu makumi mapfumbamwe nevanomwe, chikepe chitsva chotanga kushanda muLake Kariba. Chikepe ichi…

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *