Zvekusona zviri muropa: Vambe

. ‘Hapana chinotadzisa munhukadzi’

Muchaneta Chimuka

MAI Rosemary Vambe (42), avo vane mukurumbira wekusona mbatya dzeAfrican Attire, vanoti hapana chinotadzisa vanhukadzi kubudirira mumabhindauko akasiyana kana vakashanda nesimba pamwe nekuwana rutsigirwo ruzere rwezvekushandisa.Mudzimai uyu, uyo anobva mubhuku raMudzindi, kwaShe Mangwende, kwaMurehwa, anoti zvekusona mbatya zvagara zviri muropa rake.

Vanhukadzi, vanodaro Mai Vambe, vanofanira kushanda nesimba kuti vabudirire uye nekugadzira zvinhu zvakanaka kuti zvinge zvichikwanisa kukwikwidza kumisika mikuru munyika muno nekunze.

“Madzimai anoda kutsigirwa muzvirongwa zvavo nemari yekuti vatange mabhizimusi asi vanosangana nematambudziko akaita sekushaikwa kwezvibatiso kumabhanga kuti vapihwe zvikwereti,” vanodaro.

Vanoti vakakura upenyu hwekutamburira izvo zvakavapa shungu dzekuti vazvishandire.

“Ndakatanga ndichisona zvinhu zvekumahumbwe ndichiri mwana mudiki asi chose chandaisona chaibva chabuda zvakanaka. Ndinorangarira ndiri Grade 1 apo murairidzi wedu akatiti tisone hangachepfu. Ndakasona zvakanaka ndichibva ndaita nhamba hwani. Kusona kuri muropa saka nekuda kweshungu, ndiko kusaka nanhasi ndichiri kusona uye ndave nekambani yangu yeAshava Designs.”

Mai Vambe vakatanga vachisona dhunge-tunge apo vaizvisonera mbatya dzavo.

“Ndiri munhu akakura muupenyu hwekutambura apo ndaiita mbatya dziye dzekukumurirwa nevamwe zvekuti dzimwe dzacho ndaitopihwa dziri hombe nanatete. Hurombo hunopa shungu uye ndaiyemura maticha kana kuti varairidzi avo vaipfeka mbatya dzakanaka. Saka ndaiedza napose pandinogona kuti ndinge ndakapfeka hembe dzakanaka dzinondifita.

“Ndaiti kana vanasekuru vangu vakati tokuvigirei kubva kuguta reHarare ndaingoti machira ekwaMachipisa nokuti makare ndiko kwaikurumbira nemachira ekusona. Saka vaingonditi ndichapenga nemachira nekuti handaikumbira mari asi machira,” vanodaro.

Pavaivigirwa machira aya, vanodaro Mai Vambe, vaitora nguva vachisona zvinhu zvakaita semapiro, zvikwama nembatya izvo zvaiyemurwa nevakawanda.

“Ndave Grade 4, ndakange ndatova shasha yekusona zvekuti mamwe maticha epaChitowa Primary School, kwaMurehwa kwandakadzidza, vakange votondipa machira kuti ndivasonere mapiro.

“Mamwe machira ndaitumirwa natete vangu vaishanda kuDavid Whitehead, kuKadoma. Vanhu vaishamisika kuona kuti munhu wose wandaisonera aibva afitwa zvikuru. Izvi zvakaita kuti ndiite makasitoma akawanda ndiri pamba.”

Mudzimai uyu akamboshanda semunyori kukambani yeOld Mutual.

“Kuburikidza nekusona, ndakange ndiri munhu asingadzokorore mbatya dzandaipfeka. Pataiita misangano yepabasa, munhu wose airamba akanditarisa achidawo mbatya dzangu. Saka ndakadzidza kuti kana uri munhu anosona, pfekawo mbatya dzaunosona zvakanaka semuenzaniso kuti dzifarirwe nevazhinji. Ndakaita mari nekusona kupinda mari yandaitambira kubasa,” vanodaro

Mai Vambe vanoti vakazosiya basa vave kusonera pamba pavo.

“Pandakaroorwa, murume wangu akange asingade kuti ndishande saka ndakatanga kuitira basa rangu pamba. Asi akatanga kuita godo apo vanhu vaiuya nemotokari dzavo kuzopa maodha ekuti ndivasonere hembe izvo zvakaona imba yangu ichiparara nekuti takange tangove vanhu vaigara vachinetsana,” vanodaro Mai Vambe.

Mukadzi uyu anoti akahwinha mibairo yakawanda nekusona uye ave nemakasitoma makuru emuZimbabwe nekunze kwenyika.

“Ndinorangarira pane chimwe chirongwa cheSanganai Travel Expo apo chamangwiza weZimbabwe Tourism Authority (ZTA), VaKarikoga Kaseke, vakaona mbatya dzandainge ndichiratidzira vachibva vandipa odha yakakura yekuti ndisone hembe dzevarume dzaisvika kuma250 ne130 dzemadzimai vaizopinda mumusangano uyu. Izvi zvakandipa shungu nekuti ndakasvika pakutengawo mimwe michina yekusonesa nekuvandudza nzvimbo yekusonera.”

Vanoti pamusangano uyu vakawana mari yakawanda kubva kuvatengi zvekuti mbatya dzaidiwa pazuva iri dzakatoperevedza.

Vanoti kupfeka mbatya dzeAfrican Attire kune chiremerera nekuti kana kuri kumadzimai, kazhinji kacho dzinenge dzakatsiga zvichivasiya vaine chiremerera.

“Ini ndinopfeka mbatya dzeAfrican Attire zuva nezuva. Ndakahwinha mibairo yakawanda seBusiness Woman of the Year mushure mekunge vanoona nezvemabhizimusi madiki neari pakati nepakati vandisarudza. Ndiri zvakare murongi mukuru kusangano reCOMESA Cross-boarder Association uye ndinofundisa madzimai mabasa emawoko pasi pechirongwa cheZimbabwe Women Enterpreneurs,” vanodaro.

Mai Vambe vanoti vashanyirawo nyika dzakawanda seSwaziland neNetherlands pasi pezvirongwa zveZimTrade apo vanenge vachikurudzira kudyidzana kwemadzimai munyaya dzemabhizimusi.

 

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×