Akapotsa afira rwiyo

Muchaneta Chimuka

MURUME wekuBeatrice akamiswa mudare reChitungwiza Magistrates’ Court achitarisana nemhosva yekubaya mumwe nebanga pafudzi mushure mekunge vanetsana pamusoro pemimhanzi yaakanga achiridza.

Kudakwashe Chembiya (21) wepanhamba 4B, kuBeatrice, anobvuma mhosva iyi zvisinei nekuti akarovha kudare pazuva iro akanga achifanira kupihwa mutongo wake nokudaro akatumirwa magwaro ekusungwa.

“Mhosva yandiri kupomerwa ndinoibvuma, ndakamubaya nebanga nekuti aindirova,” anodaro Chembiya apo akambomiswa pamberi pemutongi Francis Mapfumo munguva yadarika.

Chembiya ari kutongwa pasi pemutemo weSection 89 of the Criminal Codification and Reform Act Chapter 9:23 (Assault).

Muchuchisi Itai Beaular Chikono akaudza dare kuti nomusi wa8 Kubvumbi gore rino paBeatrice Restaurant, Chembiya akatadza kunzwanana nemumhan’ari Simba Leman Jackson (23) wepanhamba 20A, kuBeatrice ikoko, nenyaya yemimhanzi yaakanga achiridza.

Izvi zvakaita kuti atore banga achibva amubaya nechepafudzi rake rekuruboshwe ndokubva atiza.

Jackson akaita ronda rakadzika uye akanorapwa kuBeatrice Hospital.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *