Akaramba mwana mudare

Trymore Muvhawa—

MURUME wekuEpworth wekuendeswa kudare remendenenzi neaimbova mudzimai wake akatyora vanhu mbabvu nekuseka apo akati aitotanga kuona mwana waainzi abvisire mari uyu mudare uye haana kana kumboziviswa kubvira pachiri pamuviri.

Getmore Mangena akamhan’arira John Zvoushe kuHarare Civil Court achida $50 pamwedzi yekuchengeta mwana.

Zvoushe akaudza dare kuti hapana zvaanoziva pamusoro pemwana uyu.

“Chinondishamisa ndechekuti anoda kuti ndibhadhare mari kumwana wandisingazive. Kutaura chokwadi handina kana musi wandakaudzwa nezvepamuviri kana kutongoona mwana uyu zvake asi kuzongonzwa kuti uri kudiwa kudare nenyaya yekuti ubhadharire mendenenzi mwana wako,” akadaro. Akati ichokwadi kuti akambofambidzana naMangena.

“Ndaifambidzana naye asi takasiyana patove nenguva, ndingangoti takasiyana muna June (Chikumi) 2014 ndichienda kuBotswana. Pandakaenda kuBotswana muna October (Gumiguru), ndakasiya Mangena asina pamuviri asi iko zvino zvave kundishamisa kuti kana ari mwana wangu, ingadai isina kuoneka here nhumbu yacho?” akadaro.

Zvoushe akaenderera mberi achiti: “Pasipoti ndiyo mufakazi wangu. Pasipoti yangu yakadhindwa musi wa27 Gumiguru zvinoreva kuti pamwedzi mitanhatu iyi, dai nhumbu yaivepo ingadai yakaonekwa.”

Mangena, uyo airatidza kuti aifashaira nehasha, akapokana nezvaitaurwa naZvoushe.

“Mambo wangu, ini handipengi izvozvi ndiri kugara kumba kwavo naamai vake asi iye haaticheuke ini nemwana wangu. Zvandinoziva ndezvekuti ndakashereketa naye katanhatu. Zvaari kutaura zvemuna June (Chikumi) ndaitove kumusha panguva iyoyo,” akadaro.

Akati Zvoushe paakamuudza kuti akange ave nepamuviri akatanga kunzvenga-nzvenga.

“Iye ndiye munhu wekutanga kutoziva kuti ndine pamuviri akatofonera hanzvadzi yake achiitaurira kudaro ini pandainge ndisati ndazviziva panguva iyoyo. Pandakamutaurira kuti zvinhu hazvisisina kumira mushe, ndipo paakatanga kusvetuka-svetuka. Akanditaurira muromo wekuti mwana iyeye ndewako nekuti wamuita tisina kuwirirana.

“Ndakamutevera kuEpworth kubva kumusha hanzvadzi yake ikandiudza kuti hameno pfambi yaari kugara nayo,” akadaro Mangena achifemuruka nehasha.

Mutongi Sharon Rakafa akati Zvoushe abhadhare $25 pamwedzi yekuchengeta mwana wake.

Akati zvakare kana asingagudzikani kuti mwana uyu ndewake, anogona kuenda kunoitwa ongororo nanachiremba (DNA) mukati memwedzi mitanhatu.

Related Posts

Baba vazvisungirira vaita makunakuna nevanasikana vavo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 50 ekuberekwa wemubhuku raParowa kwaMambo Marange, kwaMutare akawanikwa akafa svondo rapera munyaya inofungirwa kuti akatora upenyu hwake mushure mekunge anetsana nemwanakomana wake uyo aimupomera mhosva…

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *