‘Mudzimai wangu chipfambi’

Trymore Muvhawa—

MURUME wekumhan’arirwa kumatare edzimhosva nemudzimai wake achida gwaro rerunyararo akachema-chema achipikisa chikumbiro ichi achiti kana mukadzi uyu akapihwa gwaro iri haazokwanisa kumutsiura kuti asaparadze wanano dzevaridzi nekuda kwemabasa ake echipfambi.

Daniel Chizura akataura mashoko aya mushure mekuendeswa kuHarare Civil Court naElizabeth Makuyana achiti anomushungurudza nekumutuka achiti anoda kumuuraya.

“Mambo wangu, murume uyu anondishungurudza zvikuru. Anondituka achiti anoda kundiuraya. Kutaura kuno ndakatotiza pamba.

“Ndaifunga kuti ndikatiza zvinoita nani asi zviri kutowedzera nekuti paminiti imwe anogona kupinza mameseji 20 pafoni yangu ekundituka.

“Anondipomera zvakare kuti ndinoita zvechifambi asi ini handina kubvira ndakaziva mumwe murume kunze kwake. Anotevera kwandava kugara kwacho apa anenge achida kuratidza vana kuti ane mari nekuti anogona kuvasiira kana $7 kuti vana vaone sekunge ini ndakaipa,” akadaro Makuyana.

Chizura akaudza dare kuti mudzimai wake ipfambi uye kana akapihwa gwaro rerunyararo, anogona kuzoparadza imba yevaridzi.

“Ndakanetsana nemukadzi uyu nenyaya yechikomba chaanonzi anacho. Pandakangomuvhunza chete, akabva ati ava kututa twekwake, ndikamurambidza asi pandakabuda ndichizodzoka pamba ndakawana pasisina munhu,” akadaro.

Anoenderera mberi achiti: “Zvaari kutaura zvekuti ndinomutumira mameseji ichokwadi nekuti ndinenge ndichida kuti asiyane nemurume wemunhu uyo waanodanana naye. Ini pano ndatonzwawo nekunetswa nemudzimai wake murume iyeye, achiti ndidzivise mudzimai wangu. Zvino kana mukamupa gwaro rerunyararo anoparadza imba yevaridzi nekuti ndinenge ndisisakwanise kutaura naye kana kumutsiura.”

Mutongi Yeukai Dzuda akapa Makuyana gwaro rerunyararo.

Related Posts

Baba vazvisungirira vaita makunakuna nevanasikana vavo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 50 ekuberekwa wemubhuku raParowa kwaMambo Marange, kwaMutare akawanikwa akafa svondo rapera munyaya inofungirwa kuti akatora upenyu hwake mushure mekunge anetsana nemwanakomana wake uyo aimupomera mhosva…

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *