MUDZIMAI wekuEpworth, muHarare, akarasikirwa nemaziso ake ose nekuda kwechirwere chegomarara. Mai Jamila Bakali (49), vepanhamba 394 Cain Nkala, avo vanove chirikadzi, vanoti vakatanga kurwadziwa nemaziso muna1990 apo ziso ravo rekuruboshwe rakatanga nekumera kanyama nechepachivharo charo.
“Mugore ra1990 ndipo pakatanga kurwadza ziso rangu rekuruboshwe. Rakamera chinyama nechepazasi ndokubva razvimba richirwadza zvikuru zvekuti handairara.
“Nekuda kwehurombo, ndakakundikana kuenda kuchipatara nenguva. Ndakatanga kufambira kuti ndirapwe nekuenda kuSocial Welfare kunova kwandakazopihwa magwaro ekuti ndinobatsirwa kuMarondera,” vanodaro.
Vanoti machiremba ekuMarondera paakaona kudzama kwehurwere hwavo, vakavati vaende kuSekuru Kaguvi Eye Unit iri kuParirenyatwa Group of Hospitals.
“Kuchipatara ichi, ndikavhenekwa naDr Archie Kufa vakaona kuti ziso rangu rakatenge rawora nechemukati, rave kungobuda hurwa neropa. Vakati rainge rotoda kubviswa.
“Semunhu aida kuti dambudziko ripere, ndakati varibvise havo uye kamwe kanyama kakatenge kamera zvakare nechekumusoro kweziso iroro. Ndakazoribviswa muna2000.”
Mai Bakali vanoti apa vakafunga kuti kuvhiiwa uku ndiko kwaive magumo edambudziko rake asi hazvina kudaro sezvo rimwe ziso ravo rakabva ratanga kurwadza zvakare.
“Muna2006, ziso rangu rekurudyi rakatangisa kumera kanyama richirwadza zvakare. Ndakadzokera kunachiremba uya, vakamboedza kuita zvekuripara asi zvakaramba. Ndakaitwa ‘biopsy’ (kubviswa kwetwunyama twaimera) pamaziso angu twuchibva twanoongororwa vakaona kuti igomarara. Ziso iri rakange rawora zvakare saka vakaribvisa ndikasara ndisisina maziso ose,” vanodaro vachisiririsa.
Mai Bakali vanoti munhu akakura achiona zvakanaka.
Vakadzidza paSt Columbus Primary School, kuMacheke, ndokugumira Grade 6 sezvo vabereki vavo vakakundikana kuvawanira mari yekuenderera mberi nechikoro.
“Kumusha ndekwaShe Makoni, kwaRusape. Mumhuri medu takaberekwa tiri vanomwe, saka vabereki vedu vakakundikana kutipinza chikoro tose zvekuti tingori vatatu bedzi vakakwanisa kudongorera musuwo wechikoro.
“Ndakazoroorwa ndikaita vana vashanu, mumwe wacho akashaya ave nemakore 14 mushure mekudya chikafu chine muchetura. Mumwewo akaroorwa akadzoka pamba.
“Mwana wangu akashaya ndisingachaoni saka paakauya achiti ari kurwadziwa nemudumbu ndakaedza kumutova nemvura inopisa nekumupa mapiritsi ndikatozoshamisika ndave kuudzwa kuti atandadza mushure mekerutsa zvinhu zvitema apo akange aenda kuchimbuzi.”
Vanoti mutumbi wake wakavhenekwa nemachiremba zvikaonekwa kuti akange afa nemuchetura.
“Murume wangu akashaya muna2011. Kubva pandakarasikirwa nemaziso, ndiri munhu anorarama nekupemha muguta reHarare. Asi kunyangwe ndisingaoni kudaro, kana ndikawana mabasa emaricho ndinoita, zvakaita sekuwacha kana kusakura mumunda ndinogona uye handiteme zvirimwa.
“Ndinoshuvira kuti dai ndangowana mabhindauko andinoita kuti ndirarame nekuti kupemha hakuna chimuko, vanhu munyika havana mari yekungopa.
“Pazuva ndinogona kudzokera kumba ndiine $0,35c kana dhora bedzi.
“Ndikawanirwa kana mbatya dzekutengesa ndinobatsirikana. Mudhorobha ndinotokwanisa kufamba ndiri ndega uye ndichiri kutondera mingwagwa yose kunze kwekuti kana yakazochinjwa,” vanodaro Mai Bakali.
Vanotsanangura mamwe ematambudziko avari kusangana nawo semunhu wechidzimai asingaoni.
“Maronda kana kuti maburi ayo akasara mushure mekunge maziso angu abviswa achiri kungorwadza zvekuti dzimwe nguva anobuda hurwa.
“Ndaifanira kudzokera kuchipatara kunopiswa (chemotherapy) sezvo vaiti gomarara iri rinogona kudaro risina kupera zvachose asi mari inodiwa ikoko yakawanda, handiiwane.
“Zvakare, ndinotya nekuti ndakanzwa vamwe vachiti kana ikatadza kuitwa zvakanaka senge ukaitwa nemamwe manesi anenge achifundira basa, unofa. Saka ndakabva ndangoregedza kudzokerako kuchipatara kuye.”
Vanotizve maronda kana kuti maburi akabviswa maziso anofanira kugara akavharwa kuitira kuti asapindwe nemhepo zvinova zvinovamutsira marwadzo.
“Pandinopemha muguta reHarare umu, ndinogara ndichishungurudzwa nemagunduru (vanhu vanoraramira mumigwagwa) nevamwe vanouya vachinditorera mari yandinenge ndakandirwa mundiro.
“Musi uno, pane mumwe murume akauya akandidhonza achiti handei kuHarare Gardens kune mudhona anoda kukubatsirai. Ndakatoona kuti aida kunondibata chibharo kana kundibira saka ndakaridza mhere zvikaita kuti andiregedze,” vanotsanangudza vachidaro.
Mai Bakali vanoti vanhu vasingaoni vane mikana mizhinji yekumbunyikidzwa nenzira dzakasiyana sekutukwa, kurohwa, kubirwa, kubatwa chibharo uye mhosva dzavo dzisingambosviki mumawoko emapurisa nekuti havakwanisi kutsanangura kuti munhu anenge avatadzira anenge aikaita sei.
Vanoti chimwe chishuwo chavo ndechekuti vakwanise kubatsirwa mukuita zvidzidzo zvekuverenga zveBraille kuitira kuti vagone kuverenga nekuziva zviri kuitika munyika.
“Nhau tinonzwa muredhiyo asi zvimwe zvacho tinodawo kurava tega, senge patakanzwa kuti bumbiro idzva remitemo raveko, takanetseka nekuti mabhuku acho emutemo hatina kuawana nekuti takanzwa kuti akadhindwa ari mashoma,” vanodaro.
Amai Bakali vakazopihwa bhuku reBraille rebumbiro idzva remutemo wenyika neKwayedza vakafara zvikuru.




