Ochemedzwa nevana…‘Vanondiseka hanzi baba mune siki, hiv’

Yvonne Chidochashe Manyanja
MURUME samusha wekunzi akapata musha kwemakore mana ndokuzodzoka ave kurwara nemukondombera akaudza dare kuti haachada kuona vana vake pamba sezvo vachigara vachimunyomba nekuda kwehurwere.

Lord Chari, uyo akange amhan’arirwa kudare nemudzimai wake Irene Chingasireni, akati vana vake pamwe chete nemukadzi wake vave kumusema nekuda kwechirwere chaanacho.

Chingasireni akati Chari anogara achimutuka pamwe nekumurova nekudaro aida gwaro redziviriro.

“Ishe wangu, zvandamirira pamberi pedare ndezvekuti ndipihwe gwaro redziviriro nekuti ndiri kugaroshungurudzwa nababa ava. Vakatitiza pamba, handizivi kwavaigara vakazodzoka kwapera makore mana ndikavatambira pamwe nevana vangu.

“Ndikada kuti ndiratidze moyo wakanaka ndichivabikira chikafu vanotora chikafu chiya vochirasa sezvinonzi ndiri kuda kuvauraya.

“Mumwe musi vakambotora sadza randakanga ndavabikira vakanditema naro. Nyaya yese iyi iri pakuti vari kuda kudzinga vana pamba ivo vachiziva kuti vana hapana ari kushanda.

“Vakandipfurira mumwe mwana nerekeni, mumwe vakamutema nechidhinha, kutaura kuno ari muchipatara,” akadaro

Chari akapokana nezvakataurwa achiti mukadzi wake ainyepa.

“Mukadzi uyu anonyepa. Chiri kuitika ndechekuti hapana ari kutaura nemumwe zvekuti handitozivi kwaari kushanda. Ndakambotaurirana naye kuti tigadzirisane pachivanhu chedu kuburikidza nekudeedza tete vake asi akaramba. Saka handizivi kuti ndinomushungurudza sei.

“Ini nditori munhu anotozvirwarira asi mukadzi wangu akabva azvitora semukana wekuda kundikaurisa ndokutanga kutengesa midziyo yose yandakatenga pandakanga ndichiri kushanda sezvo iye zvino ndave papenjeni. Akatengesazve zvipfuyo zvedu zvose mushure mekunge aramba kuti tinogara kumusha tichirima.

“Vana vangu handichada kugara navo nekuti kubva zvandakauya pamusha vanondishoropodza vachiti ndine siki, ndave kurwara neHIV. Handichadi kuvaona. Hapana mwana mudiki vose vanhu vakuru zvekuti vanogona kunotanga dzavo mhuri kana kutsvaga zvekuita pane kunditambudza,” akadaro. Mutongi Barbra Mateko akapa gwaro redziviriro kuna Chingasireni.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×