Akaremadzwa nemuteuro

Yvonne Chidochashe Manyanja
VANHU vaive mudare vakaoma mate mukanwa apo mumwe mukadzi akati akaremara gumbo mushure mekunge murume wake, uyo anove muporofita, amumwaya mvura yemuteuro achimupomera kuti muroyi.

Izvi zvakabuda muHarare Civil Court apo Norman Gonzere akamhan’arira Esther Charamba achiti haadi kurambwa kunyangwe zvazvo akamupa gupuro.

“Changamire, mukadzi uyu ari kuramba kudzokera kumusha kwake asi ndakasoendesa mombe yegupuro kare-kare. Chandiri kunyanyoda ndechekuti agarisane neni pamwe nemukadzi wangu murunyararo. Ndinogaronzwa kuti anoshandisa chimbuzi chevarume handizive kuti izvi zvinenge zvichiitirwei.

“Kana mukadzi wangu akasungirira mbudzi iye anodzisunungura kuti angowana pekumushungurudzira pakuti anenge ave kutandanisana nadzo kuti adzisungirire futi. Handisati ndakamboona mukadzi akadai,” akadaro Gonzere.

Charamba akapikisana nezvakange zvataurwa naGonzere achiti vachiri mukadzi nemurume nekuti haana kuendesa mombe ina segupuro sezvakarehwa namambo wavo.

Charamba akati” “Ini nemurume uyu tichiri mukadzi nemurume kunyangwe zvake iye ati takarambana. Imba iyi yaari kutaura takaivaka tose asati atombotorana nemukadzi wake. Zvino ave kuda kundiramba kuti zvaita sei?

“Kuda kundiramba inyaya yekuti ndiye honzeri yekusafara kwangu. Anoita zvechiporofita uye akandimwaya mvura yemuteuro kasingaperi achindipomera kuti ndiri muroyi ndikabva ndaremara gumbo. Saka nekuti ndaremara ave kuda kundibudzinga pamba?

“Chakaita kuti nditi handibve pamba apa ndechekuti baba ava havasi kuda kuchengeta mwana wavo voswero ndinyepera kuti ukabva ndipo pandichamuchengeta. Unoda kundiita kunge mwana mudiki sei? Zvese zvekuti ndakavatuka manyepo, ivo ndivo nyakundirova saka hazviite.”

Gonzere akabva amuganha achiti Charamba muroyi ndokuti ane katsika kekunokora tsoka yemukadzi wake wekutanga uyo akazofa pamwe chete nehuku dzake.

Mutongi Marehwanazvo Gofa akapa gwaro redziviriro kuna Gonzere.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *