ollah 7: ndinoisa mwari mberi

Kingstone Mapupu
MUSHAMARARI ane mukurumbira panhepfunyuro yeStar FM, Owen “Ollah 7” Madondo, anoti kunamata ndiwo musimboti wekurarama kwake pamwe nebasa rake. Ollah 7, uyo kumusha anobva kwaRukweza, kuNyazura, mudunhu reRusape – anopinda chechi yeJohane Masowe weChishanu.

Akaroorana naChipo Kuyengwa (23) uye vane mwana mumwe chete, Tinotenda Keith Madondo (2).

“Zvose zvinobva kuna Mwari, ndinoshandisa mabvi nemagokora nguva dzose kurumbidza Musiki. Ndizvo zvinoita kuti nemhuri yangu tigare zvakanaka.

“Ndakaroora wangu wandinoda Chipo mugore ra2013 uye tine ruva redu ‘Tino’. Tigere zvakanaka zvikuru murudekaro,” anodaro.

Madondo (25) anoti ndiye dangwe mumhuri ine vana vatanhatu, vasikana vatatu nevakomana vatatu.

“Sevana, tinombotadza kuwirirana asi tinodanana zvikuru zvekuti tinotsvagana nguva nenguva. Amai nababa vapenyu vose, baba vanonzi Oliver Madondo vari kuSouth Africa amai vachinzi Docus Kamuchenga vari muno muZimbabwe.”

Ollah 7 anogara kuMainway Meadows kuWaterfalls, muHarare.

“Zita rekuti Ollah rinoreva kukwazisana kunyika yeSouth Africa, semunhu anofara nevanhu achikwazisana nevamwe. Rakavambira kuSA ndokuzowedzera 7 uyo pamberi, handichaziva kuti akabva kupi,” anodaro.

Mushamarari anofarirwa kana nevana vaduku uyu anoti akakurira kuChitungwiza asi kubva pahudiki hwake akadzidza Grade 1 kusvika 7 pachikoro cheHandina Primary School, chiri kuNyazura. Akazoita Form 1 kusvika 6 paZengeza High 1, kuChitungwiza.

“Panguva iyo ndaiva kuchikoro, ndaiita mitambo yemadhirama izvo nanhasi ndiri nyanzvi mazviri. Ndapedza chikoro, ndakatanga kuita basa rehuDJ mumagungano akasiyana kusanganisira michato.” Anoti achikura aingofarira kuzoita DJ chinova chishuwo chakagumisira chazadziswa.

“Tanzwa kuti kwava nenhepfenyuro itsva yaizovambwa, Star FM, ndakaendawo kuma’auditions’ ndikabudirira mugore ra2012, ndokutanga basa pano iro ndinoda zvikuru,” anodaro.

“Ndakadzidzira basa rekuva producer napresenter uye ndinotaura mitauro inosanganisira Shona, English, Sotho, Ndebele zvekare ndiri kudzidzawo chiTonga neShangani.”

Anoti mushamarari waanoyemura kuStar FM ndiPathisani “Mukuwasha Mboko” Sibanda.

Ollah 7 anoita chirongwa chinodaidzwa kuti The Breakout neMuvhuro kusvika Mugovera mangwanani kubva na3 kusvika na6. Ane chimwe chinonzi Mugango chaanoita neChitatu kubva na9 manheru kusvika na10 icho chaakati chinofarirwa zvikuru nevatereri. Apa ndipo panokangwa nyaya dzakaomarara idzo dzinobata vanhu muZimbabwe.

“Ndinofarira sadza nederere uyewo muriwo wemuboora une dovi. Semupositori, doro handibate.

“Ndinofarirawo kubvakacha kunzvimbo dzakasiyana dzemafaro, kunyanya kuVictoria Falls uko ndinoenda nemhuri yangu,” anodaro. Ollah 7 anoti pazvikwata zvenhabvu zvemuno anofarira Dynamos uye zvekunze anotsigira weManchester United.

“Pamimhanzi ndinofarira house music uye muimbi wandinoda ndiBlack Coffee asi muno ndinongobatawo vakawanda vaimbi,” anodaro.

Related Posts

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Mudzimai ane mapatya, akatsva nemafuta otsvaga rubatsiro

Muchaneta Chimuka MUDZIMAI wekuManyame Park, kuChitungwiza, uyo akawirwa netsaona yekutsva nemafuta ainge ari pamoto panguva yekubika uye ane mapatya ane mwedzi miviri yekuberekwa, otsvaga rubatsiro rwemishonga yekurapwa pamwe nemukaka wemumagaba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×