Akarohwa asvikirwa parufu

Freedom Mupanedemo ari kuGWERU —
MUKADZI wekuDorset, kuGweru svondo rapera anonzi akasvikirwa nemweya ari parufu ndokutanga kuumburuka achidaidzira kuti ndiye akange auraya mushakabvu uye aida kudya nyama yake izvo zvakaita kuti azvambaradzwe kunge nyoka yapinda mumba nehama dzemufi.

Muzvare Christine Sayi (49 ) anonzi aive pakati pevanhu vaichema kufa kwaLydia Nkomo apo akasvikirwa ndokutanga kudaidzira kuti aida kudya nyama yemufi.

Hama dzaNkomo dzinonzi dzakabva dzamuka chibhebhenenga ndokutanga kurova mukadzi uyu nematanda.

“Pakaita batai-batai vanhu vachidzivirira hama dzemufi kuti dzisarove mukadzi aive asvikirwa uyu,” vanodaro VaDumisani Ndlovu avo vaivewo panhamo iyi.

VaNdlovu vanoti pakatozodaidzwa kanzura wenzvimbo iyi kuti ayananise vanhu uye kupodza bongozozo rainge ravapo.

Muzvare Sayi akazonoman’ara nyaya iyi kwaSadunhu weko – VaAmos Mabhena – achipomera vanhu mhosva yekumurova pamariro uye kupumhwa huroyi.

Sadunhu Mabhena vanoti Muzvare Sayi akaruza nyaya yake mudare nekuti aisaziva munhu chaiye akanyatsomurova sezvo ainge akasvikirwa pakaitika nyonga-nyonga iyi.

“Takange tine dare svondo rino apo Muzvare Sayi aiti akarohwa nevavakidzani vake pamariro uye haachagara zvakanaka nekuti ave kupumhiwa huroyi munharaunda,” vanodaro Sadunhu Mabhena.

Vanoti hapana akawanikwa aine mhosva sezvo pakashaikwa umboo huzere, asi ndokukurudzira veruzhinji mudunhu ravo kuti vagarisane zvakanaka.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *