‘Ndaoneswa chitsvuku’

Lizzy Mushoriwa —
VAMWENE vekugara vachioneswa ndondo yekutukirirwa nemuroora wavo achibatsirana nehama dzake vakazopotera kudare redzimhosva vaona kuti zvanyanyisa.

Beater Chinembiri wekuStoneridge, muHarare akamhan’arira muroora wake — Nyarai Jepa — kudare reHarare Civil Court achiti ari kumushura mare. “Changamire, ndauyawo pano nemuroora wangu uyu kuti amiswe kundishungurudza.

‘‘Handisisina rugare, iye nehama dzake vanouya kuzondituka pamba pangu. Izvozvi akasungisa mwana wangu ari kujeri kutaura kuno apa ave kuunza zvikomba pamba pemwana wangu. Zviri kundirwadza izvozvo,” vanodaro vamwene ava. Jepa anopikisana nemashoko avamwene vake achiti: “Amai vanonyepa, ini handitombovashungurdze uye handiende kumba kwavo.

‘‘Murume wangu akambotiza kumba akaenda kuna amai vake, ndakangotevera ikoko mwana arwara. “Amai vakanditi ndibve pamba pavo vachinditi hapana chipatara ini ndikabva ndichisiya murume ari kumba kwavo.

‘‘Hama dzangu dzakapindira dzichida kutigadzirisa ini nemurume, kwete zvavari kutaura izvi. Murume wacho izvozvi akasungwa, ari kujeri.”

Mutongi akapa Chinembiri gwaro redziviriro.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *