Akarohwa sikarudzi nemheni kwaRusape

Hardway Nyakuwarwa
MUNYAYA inoshamisa nekusuwisa, murume anogara kuVhengere, kwaRusape, akapona nepaburi retsono apo akarohwa nemheni panhengo yake yesikarudzi munguva pfupi ichangodarika.

Teddy Chipere (38) anoti ari kutsvaga rubatsiro rweUS$400 yekuti anovhenekwa kuchipatara chakazvimirira zvichitevera njodzi yakamuwira iyi.

“Ko imi vanhu veKwayedza munondibatsira nei? Handidi kunyorwa nyaya dzangu ini nekuti ndiri munhu anoita zvematongerwe enyika, zvinozoita kuti vanhu vandiseke munharaunda. Ndinozivikanwa chaizvo ini,” akadaro Chipere pakutanga achiratidza kusada kutaura nezvenyaya iyi.

Zvisinei, Chipere akazozvipira kurondedzera dambudziko rake pava pashure achiti ari kutsvaga rubatsiro rwekuti aende kunoongororwa kuchipatara.

“Nyaya iyi yakaitika nomusi wa27 mwedzi wadarika (Zvita) apo ndakamuka pakati peusiku ndichienda kunozvibatsira kuchimbuzi. Pakarepo, ndakangoona kupenya pakaita ruzha rwakatyisa apo mheni yakandirova nhengo yangu.

“Ndakadzokera mumba ndikanomutsa kazukuru kangu kane makore 16 okuberekwa asi kakatofungawo kuti pamwe ma “fire crackers” akange aputika. Ndakazotaurira sekuru vangu zvainge zvaitika vakati imheni,” akadaro murume uyu.

Chipere anoti akazoendeswa kukirinika iri munzvimbo iyi uko akanzi apfuurire kuchipatara chikuru chakazvimirira nekuda kwehudzamu hwekukuvara kwake.

Haana kutaura kuti sei akanzi aende kuchipatara chakazvimirira asi mudhorobha iri muine chipatara cheHurumende.

“Ndakazoenda kunoona dhokotera akandivheneka akati panodiwa US$400 yekuti ndivhenekwe tsinga dzangu asi nekuda kwehurombo, ndiri kukundikana kurapwa. Ndakasarudza kunobatsirwa zvangu nevarapi vechivanhu. Ndichiri kurwadziwa uye handizivi kuti hazvigone kukanganisa mbereko yangu here.”

Chipere anoti ari kunetseka pakufamba zvakanaka izvo zviri kuita kuti vamwe vagari vemunzvimbo iyi vafungire kuti anogona kunge akaiswa runyoka.

Anoti avo vangade kumubatsira nemari yekuti anorapwa vanogona kumubata panhamba dzenhare dzinoti 0773 014 835.

Related Posts

Mahwekwe nebindu rembanje mapurisa achifeya nyaya yokuba

MAPURISA ekuChipinge akasunga mumwe murume svondo rapera mushure mekuona bindu raive rakadyarwa mbanje apo vaiferefeta nyaya yekubiwa kwepombi dzemadiridziro pane rimwe purazi reko, iyo yakanga isina chokuita nembanje dzakazowanikwa idzi.…

Motokari ine chitunha yabatira moto

Arron Nyamayaro VAMWE vanhu vaive parwendo rwekunoviga hama yavo kumusha vakamhanyidzana kubvisa bhokisi raive nechitunha mumotokari inotakura vafi zvichitevera kubatira kwayakaita moto kuArdbennie, muHarare nemusi weMuvhuro svondo rino. Vakaona izvi…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×