‘Dzidzisai vana zviri mumasyllabus zvose’

GURUKOTA redzidzo yepuraimari nesekondari, Dr Lazarus Dokora, vanoti zvakakosha kuti vadzidzi vafundiswe zviri muma‘‘syllabus” zvizere kuitira kuti vasasangane nematambudziko emibvunzo yavasina ruzivo nayo panguva yebvunzo.

Vakataura mashoko aya svondo rapera pachikoro chePrince Edward School, muHarare, apo paiva nemusangano wekutsvaga mazano ekuvandudza dzidzo munyika, weCurriculm Review.

“Gwaro rimwe nerimwe vadzidzisi vane masyllabus ayo avanoshandisa muzvidzidzo zvese anovaratidza zvavanofanira kunge vachidzidzisa vana vasati vanyora mazamanishoni.

Izvi zvinozopa vana mukana wekuti vasarudze mibvunzo inovarerukira kunyora asi chikuru vanenge vakadzidziswa matopiki ose,” vakadaro Dr Dokora.

“Naizvozvo tichitarisa manyorero akaita vana vechikoro bvunzo dzeO-Level idzo dzakadzokororwa kunyorwa gore rapera mushure mekunge mapepa abuda nerweseri, vamwe vakafoira bvunzo idzi nekuda kwekuti vaisatoziva.

“Mazuva ano vamwe vana vechikoro vave kuverenga zvavanofungira kuti zvinouya vachisiya zvimwe uye vava kuita zvavanoti ku’spoter’.

Isu tinoti vana ngavadzidziswe zviri musyllabus zvose,” vakadaro Dr Dokora.

Vakati zvakakoshawo kuti vana vaite zvidzidzo zvemabasa emawoko. “Dzidzo yedu ngaifambirane nechirongwa chekuvandudza upfumi hwenyika, cheZim-Asset,” vakadaro.

Vachitaurawo pachiitiko ichi, mukuru wekanzuru inoona nezvebvunzo munyika, yeZimbabwe School Examinations Council, VaEsau Nhandara, vakati vari kuvandudza mamakirwo ebvunzo. “Takavamba yatinoti E-marking apo mazamanishoni anomakwa nemakombiyuta anosvika chikamu che40 percent uye izvi zvinopa huchokwadi hwekumakwa kwawo pasina chitsotsi,” vakadaro VaNhandara.

“Zvakare Zimsec yave nemushina (smart lock system) unotarisa mapepa ebvunzo kubva achidhindwa kusvika achiiswa mumabhokisi oenda muzvikoro. Zvekuti pakada kuwana anoedza kuvhura bhokisi tine muchina unotiratidza zvakare kunyangwe akada kuedza kuvhura kana kaviri,” vakadaro VaNhandara.

Related Posts

Mahwekwe nebindu rembanje mapurisa achifeya nyaya yokuba

MAPURISA ekuChipinge akasunga mumwe murume svondo rapera mushure mekuona bindu raive rakadyarwa mbanje apo vaiferefeta nyaya yekubiwa kwepombi dzemadiridziro pane rimwe purazi reko, iyo yakanga isina chokuita nembanje dzakazowanikwa idzi.…

Motokari ine chitunha yabatira moto

Arron Nyamayaro VAMWE vanhu vaive parwendo rwekunoviga hama yavo kumusha vakamhanyidzana kubvisa bhokisi raive nechitunha mumotokari inotakura vafi zvichitevera kubatira kwayakaita moto kuArdbennie, muHarare nemusi weMuvhuro svondo rino. Vakaona izvi…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×