Akarovera baba munya

Muchaneta Chimuka
HARAHWA ine makore 68 ekuberekwa yakarohwa nemwanakomana wayo ane makore 18 ekuzvarwa pamusaka pesadza remunya iro raakange ashaya mumba. Pardon Mugwagwa wekuSantuary Farm, kuBeatrice, akamiswa mudare reChitungwiza Magistrates’ Courts ndokubatwa nemhosva yekuita mhirizhonga.
Muchuchisi Norman Koropi akaudza dare kuti nomusi wa27 Gumiguru munguva dzemangwanani, Pardon akanetsana nababa vake, Phineas Tizai, nenyaya yesadza iro akange asiya usiku hwadarika iro raaishaya.

Pakaita kusanzwanana pakati pevaviri ava, izvo zvakaita kuti Pardon agumisire orova baba vake nembama nezvibhakera muviri wose.
Nekuda kwekurohwa uku, baba ava vakazvimba shaya zvisinei nekuti havana havo kuzoenda kuchipatara kunorapwa nokudaro dare harina magwaro ekwachiremba.

Mutongi wedare iri, Renika Dzikiti, akapa Pardon chirango chekugara mujeri kwemwedzi mitanhatu ndokuzomubvisira mwedzi mitatu paine chitsidzo chekuti haafanire kupara imwezve mhosva yerudzi urwu mukati memakore mashanu anotevera.

Mutongi Dzikiti akazosendeka zvakare padivi mwedzi mitatu yainge yasara pachirango ichi nechitsidzo chekuti Pardon anofanira kunofondoka kwemaawa 105 paKeribrooke Primary School, kwekare kuBeatrice.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×