MUKWAYEDZA makabuda nyaya yaiti kune madzimambo ari kushora zvikuru vamwe vanamati vanoenda mumakomo nekunzvimbo dzinoyera vachinoungana nekuita minato. Madzimambo aiti maitiro aya kuzvidza pamwe nekufumura tsika nemagariro evatema. Mashoko aya akataurwa kuChivhu nemukuru wemadzimambo kudunhu reMashonaland East, Mambo Musarurwa, pakupemberera makore 20 Mambo Mutekedza vari pachigaro chehumambo.
Nguva zhinji ndinotya mashoko anotaurwa pamhemberero nemabiko, nekuti muBhaibheri pane munhu akazotaura mashoko pamhemberero akakonzera rufu rwemunhu waMwari.
Zvakaitika ndezvekuti, mushure mekunge mwanasikana waHerodhiyasi atamba zvinonwisa mvura, mambo Herodhi vakati ataure chero chinhu chaaida vagomupa.
Mwana akaenda kuna amai vake akanobvunza kuti, “Nhai mhamha, ndanzi namambo nditaure chero chinhu zvacho chandinoda vagondipa nekuti ndavatambira kudarika Katarina akaimbwa naJah Prayzah.” Amai vakabva vati bwai bwai tsiyo dzavo refu refu dzaiita kunge mitsvairo iri pamusika, vakati, “Enda unoti kuna mambo, ndinoda kuti mundipe musoro waJohani.”
Mwana akanoudza mambo zvaakanga audzwa namai vake.
Mambo vakasungwa neshoko ravakanga vataura, vakaita kuti Johani Mubhabhatidzi agurwe musoro, ukaunzwa uri mundiro.
Asi nyangwe zvangu ndichitya mashoko anotaurwa pamhemberero nemabiko, ini semuKristu ndinotenda mashoko aMambo Musarurwa vakati, “Tinoona vamwe vanamati vanomhanyira kumakomo nenzvimbo dzedu dzinoyera vachinonamatira ikoko nekuita zvimwe, izvi zvakaipa. Izvozvi mumakomo edu eNharira kuno kuChivhu vave kungonounganamo mapositori. Munzvimbo iyi mune ninga dzinovigwa madzimambo emuno.
Mapositori aya anonzi endai munotora masimba muchitsipika zvirimo saka isu tinoti kune vemachechi ngavauye kwatiri tivape nzvimbo dzekunamatira nekuvaka machechi pane kuenda munzvimbo dzinoyera.”
Ipo pachinamato chechiKristu akazoti vanhu ngavapedze nyika vachitsvaga makomo ekukwira ndianiko?
Ichokwadi kuti Moses, Eriya, Abraham, Jesu nevamwe vatendi vakakwira makomo vachinamata. Uye, tinozviziva kuti Jesu paakanokwira mugomo asati azourayiwa, akaenda naPeter, James naJohani, akavasiya chinhambwe achinonamata.
Vakazoona Jesu ave naMoses naEriya, uye akakombwa nechiyedza chikuru kwazvo.
Zvakarewo, muBhaibheri tinonzwa vamwe amai vemudunhu reSamariya vakati kuna Jesu, “Madzibaba edu ainamata mugomo iri; imi munoti muJerusarema ndimo munofanira kunamatirwa sei?”
Mhinduro yaJesu imhinduro kumapositori nevamwe vatendi vechiKristu vatambudza Mambo Musarurwa. Jesu anoti kuna amai vaye, “Mai, nditende kuti nguva inouya, yamusingazonamati Baba pagomo iri kana paJerusarema.
“Asi nguva inouya, nazvino yatovapo yekuti vatendi vechokwadi vachanamata Baba mumweya nezvokwadi; nekuti Baba vanotsvaga vakadaro kuti vavanamate. Mwari Mweya, vanomunamata vanofanira kumunamata mumweya nemuzvokwadi.”
Ndine vatendi vazhinji vandakanzwa vachitambudzika kuti dai taenda kunonamata tiri panzvimbo yakati neyakati, nekuti kana munhu ari panzvimbo iyoyo, Mwari vanonyatsonzwikwa.
Asika vatendi, kana makanzwisisa Mwari, mukamuziva kuti Mwari mweya, munofanirwa kuziva kuti kuenda kunonamata vanhu muri mumakomo akavigwa vafi hakunei naMwari.
Chiripo ndechekuti vanhu vazhinji munyika havazive mutsauko uri pakati pemashave neMweya Mutsvene waMwari. Mumakomo amunokwira muzere mweya iri kutsvaga pekugara, saka mukakwira imomo ichakupfekai mukaporofita, asi muchiporofita nemashave.
Kunamata Mwari kunoita nyangwe uri mukombi kana mudumbu rehove saJonah. Chinodiwa kurevesa, kuve pachokwadi.
Makomo evaridzi siyanai nawo, muzive kuti Jeremia anoyambira vanhu vakanga vave kuvimba netemberi yeJerusarema kudarika kuvimba naMwari kuti kunamata haisi temberi. Nemiwo kunamata haasi makomo kana masimba amunobva nawo mumakomo.




