Akaroverwa huni musango ‘rinoyera’

Muchaneta Chimuka —
MURUME wekuChitungwiza akapihwa chirango chekunofondoka kwemaawa 105 pamhosva yekurova munhu waakaona achitema huni musango raanoti akaripihwa nevadzimu.

Kunyangwe zvazvo Tirivangani Chitepo (45) ari kurambisisa nyaya iyi, akabatwa nemhosva zvichitevera umboo hwaimuroverera apo akamiswa pamberi pemutongi wedare reChitungwiza Magistrate’s Courts, Tracy Muzondo.

Pakuedza kuvhika mhosva iyi, Chitepo anoti akarova mumhan’ari Harrison Mheremhere apo akange abatwa nechadzimira ari musango iri.

“Sango iri rakapihwa kwandiri nevadzimu, tiri pamwe nedzimwe shamwari dzangu nhanhatu. Tinoendako tichinopira tichikanda bute pasi,” anodaro Chitepo.

Anoenderera mberi achiti: “Ndakasangana nemumhan’ari ari musango iri apo ndakange ndiri mushishi kupira ndichimwaya bute pasi nekuti ndizvo zvandinoita zuva nezuva.

“Akange achitotema zvake miti ndikamubvunza kuti sei aiita izvi asi akabva ataura mashoko asinganzwisisike nekuti akange atosvikirwa.

“Akabva atora huni yaakange atema achida kundirova nayo asi akangodonhera pasi. Ini ndipo pandakatiza ndikatodonhedza bute rangu netsvimbo,” anodaro.

Muchuchisi Itai Beulah Chikono akaudza dare kuti nomusi wa30 Chivabvu gore rino munguva dzemangwanani kubhuku rekwaChiroodza, kwaSeke, Mheremhere aitsvaga huni musango apo akasvikorohwa nehuni naChitepo uyo aiti sango iri nderake.

Mhembere akakuvara pachidya chekuruboshwe uye matsamba ekwachiremba akaburitswa mudare seumboo.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *