‘Gupuro wakandipa, hako, asi handiende’

Lizzy Mushoriwa —
VANHU vaive mudare vakakahadzika apo mumwe mudzimai akati haazi kuzobva pamba pemurume akamuramba ndokumupa gupuro sezvo asina kumwe kwekuenda.

Marble Raizi akataura mashoko aya muHarare Civil Court mushure mekunge amhan’arira aimbova murume wake, Simba Matumbure, achiti ari kumudzinga pamba.

“Ndauya kuno nababa ava ndichida kuti ndipihwe gwaro redziviriro nekuti vanondituka, kundirova uye kundidzinga pamba. Ini handidi zvekudzingwa, ndinoda kugara pamba ipapo naye nekuti akandiroora uye imba yacho takatenga tese,” anodaro Raizi. Matumbure anopikisana naRaizi achiti: “Amai ava vanonyepa, ini handina kumbobvira ndamuroora asi kuti ndakangomuitisa mwana uye ndakanomuramba pamberi pevabereki vake asi iye anongoramba achidzoka kumba kwangu.

“Ndakanomusiya kuMozambique kumba kwavo uye zvemba zvaari kutaura ndezvekunyepa, akauya ndave neimba yangu,” anodaro Matumbure.

Anoenderera mberi achiti Raizi haagare kumba kwake asi kuti anongouya achienda uye anonzwa nemakuhwa kuti anoita mabasa echipfambi kumaAvenues, muguta reHarare. “Haagare kumba kwangu uyu, anongouya achienda ini handina basa nazvo nekuti ndakamuramba kare. Ndinongonzwa nemakuhwa kuti anotengesa muviri wake kumaAvenues uko,” anodaro.

Raizi anobva amugamha achiti pavakaenda kuMozambique akanomuroora.

“Anonyepa murume uyu, patakaenda kuMozambique aida kunoroora zvinova zvaakaita, ini ndikambosara ndichiona vabereki sezvo nguva yakanga yareba. Pandakadzoka ndipo paakandiudza zvisina basa uye zvechipfambi zvaari kutaura kunyepa.

“Ini handina kana hama muno saka ndiri kutogara naye kunyangwe akandipa gupuro nekuti akaudza vabereki vangu kuti haachandida, asi ini ndinozviramba izvozvo. Ndoendepi?” anodaro Raizi.

Mutongi Amanda Muridzo akapa Raizi gwaro redziviriro asi ndokuti haafanire kugara pamba apa nechisimba.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *