Akaroverwa kuzviita ‘mhene’

Yvonne Chipato
MURUME wemuHarare, anoita zvekutengesa zvisiri pamutemo uye wekupomerwa “kubhururutsa mhene” yaida kutenga pane mumwe wake, akarohwa kunge nyoka yapinda mumba ndokunoponera kuchipatara.
Cosmas Kazingizi akaendesa Simbarashe Chikombodza kuHarare Civil Court achiti ari kugara achimushungurudza.

“Changamire, ndashaiswa rugare nemumwe wangu wandinotengesa naye uyo anondishungurudza. Ane shanje dzakanyanya nekuda kwangu sezvo ndiine zvekutengesa zvakawanda kudarika zvake. Tinoita basa rekutengesa zvekuvakisa, zvino nguva nenguva anorwadziwa kuti ndinowana vatengi vakawanda kudarika vake sezvo ndichigona kutaura nevatengi zvakanaka.

“Ava kufamba achiudza vatengi vangu mashoko akashata achivanyepera kuti ndiri tsotsi.

“Ndikaedza kumubvunza anonditukirira pamwe nekutaura mashoko anonyadzisira pamberi pevatengi vangu,” akadaro Kazingizi.

Akaenderera mberi achiti pamakore ose aatengesa pazvimbo iyi aingoshungurudzwa achingoti zvichanaka asi chakazonyanya kumurwadza kurikitwa kwaakaitwa akatozoponera kuchipatara izvo zvakaita kuti Chikombodza asungwe.

“Asi maitiro ake haana kushanduka, ava kutonyanya kundishungurudza achiti hapana zvandinomuita.

Ndinokumbirisawo kuti dai dare randibatsira negwaro rerunyararo,” akadaro Kazingizi.

Achipawo divi rake, Chikombodza akati haashungurudze Kazingizi asi kuti vanongotadza kutaudzana zvakanaka sezvo achida kuzviita shoroma.

“Murume uyu haakwanise kushanda nevamwe zvakanaka, anozviona kunge ane mari yakawanda nekudaro anoda kutonga vanhu vose asi achikanganwa kuti tese tinotengesa zvisiri pamutemo.Hongu ndakatadza kuzvidzora ndikamurova nekuti akanga anyanya kundirwadzisa akabhururutsa mhene yangu yaida kutenga matombo ekuvakisa akawanda chaizvo ikanotenga pake,” akadaro Chikombodza.

Mutongi Audrey Tarugarira akapa gwaro rerunyararo kuna Kazingizi.

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×